Vofundisa vasikana kugadzira ma’pads’

Rudo Muchedzi
SANGANO rakazvimirira reRise Up and Shine riri kubatsira vanasikana vekumaruwa nekuvadzidzisa kugadzira ma“pads” ayo vanoshandisa panguva yavo yokutevera.

Rise Up and Shine nguva pfupi yadarika yakaita mutambo wekuunganidza mari muguta reHarare uye mari iyi ichashandiswa mukutenga zvinhu zvinoshandiswa mukugadzira mapads.

Sangano iri rakavambwa muna2014 nechinangwa chekusimudzira vechidiki muZimbabwe, zvikuru avo vanotambura nekupedza matambudziko anosanganikwa nawo nevanasikana.

Mukuru wesangano iri, VaSimbai Jena, vanoti vanobatikana zvikuru nematambudziko anosangana nevamwe vanasikana panguva yavo yokutevera avo vanenge vasina mari yekutenga zvekushandisa.

“Donzvo rechirongwa ichi nderekutsvagira vanasikana zvekushandisa apo vanoenda kunguva yavo. Tichange tichidzidzisa vasikana magadzirirwo acho kuitira kuti vasarambe vachinetseka.

“Takaona kuti kune vamwe vanasikana vekumuruwa vanoshandisa huswa nendove panguva yavo yokutevera izvo zvingangokonzera matambudziko ezvirwere zvakaita segomarara remuromo wechibereko (cervical cancer) nezvimwewo,” vanodaro VaJena.

Vanokurudzira vanoda kuvabatsira pasi pechirongwa ichi kuti vavabate panhare dzinoti 0774 260 464 ne0718 678 259, padandemutande rinoti: [email protected] kana kuisa mari paEcoCash merchant code inoti 172452.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *