Vokikiritsirana muganhu wemunda

Ashley Muchamiri
MURUME wekuoneswa pfumvu nemuvakidzani wake uyo waanoti anouya kupurazi kwake nevana vake pose pavanenge vabva ku“Joni” vachimurwisa akazopotera kudare redzimhosva.

Lorrance Murambiwa akaendesa Caivin Mutasa kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare nevana vake.

“Pose panodzoka vana vake vari Joni, Mutasa anouya nevana ava kumunda kwangu vachindikutsirana uyezve vana vake vanonditi unombozviita saani wakamborovesa baba vedu?” anodaro.

Murambiwa anoti Mutasa nevana vake vatatu vanomutyisidzira vachiti vanoda kumuuraya.

Mutasa anoramba zviri kutaurwa achiti nyaya yavanonetserana ndeyekuti Murambiwa akadarikidza pamuganhu wemunda wake.

“Ini handimbomutyisidzira asi kuti nyaya yemuganhu wemunda iri kunetsa pakati pangu naMurambiwa,” anodaro. Anoti haatoziva kusvika pamba paMurambiwa asi kutoti iye ndiye anouya pamunda pake nekuchigayo kumba kwake.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Murambiwa gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *