Vonamata vakabata mabhodhoro edoro

Daphne Machiri —
MUPOROFITA wechechi yeChitenderano Apostolic Faith iri kuOld Tafara, muHarare ari kushandira vanhu zvine musiyano sezvo achishandisa mabhodhoro edoro ayo anenge achifuridzwa nevaanonamatira semhiko.

Rabson Mubvichi (28) – uyo anozivikanwa saMadzibaba Jeremiah – anoti chiporofita chake akachitanga achiita zvekurotswa.

“Ndakatanga ndichiita zvekurotswa uye nekufamba kwenguva pandaienda mumakereke ndaitoporofitwa ndichinzi ndine chipo chekuporofita. Asi ndakamborega kuzviteerera nekuzvitevedza dakara zvakazondikurira ndokuzvigashira,” anodaro.

Madzibaba Jeremiah anoti pakuporofita kwake, anoshandisa mhiko yemabhodhoro edoro, zvikuru erudzi rwePilsener, ayo anenge akabatwa nemunhu anenge achinamatirwa.

“Pakuita mhiko tinoshandisa zvakaita semapakatwa, mbiya, makate, machira matsvuku, chisvo, tsono nemabhodhoro edoro akawanda,” anodaro Madzibaba Jeremiah.

MADZIBABA RABSON MUBVICHI

Anoenderera mberi achiti: “Vandinoshandira vanenge vachifuridza mabhodhoro edoro aya kuitira kuti matambudziko avanosangana nawo apere. Kana tapedza, tinopwanya mabhodhoro aya toakanda mumakomba atakachera pakirawa pedu,” anodaro.

Muporofita uyu anoti haabhadharise vanhu vaanobatsira, asi kuti vamwe vanozongomutenda voga mushure mekunge vaona shanduko mumatambudziko avo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *