Vonetserana rendi yemaUS$

Courtney Munodawafa

MUMWE murume akamhan’arira kudare mushandi wepachitoro paanorenda achiita basa rekugadzira mafoni mushure mekunge vanetsana nenyaya yekubhadhara rendi.

Mahulele Lemekani akaendesa Cathy Dzimumwe — uyo anoshanda pachitoro paanoitira basa rake — kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Lemekani gwaro rinomudzivirira.

“Mukadzi uyu nevaanoshandira varidzi vepashopu yandairenda ndichiita basa rangu rekugadzira mafoni. Panzvimbo iyi panobhadharwa zuva nezuva uye ndave nemwedzi gumi ndichipashandira,” anodaro Lemekani.

Anoti Dzimumwe anomubhadharisa rendi nemari yekunze yemaUS$. Asi, pasi pemutemo i

mhosva kuti munhu ange achibhadhariswa mari iyi muZimbabwe.

“Vanhu ava vakakwidza mari yerendi musi uno kuisa paUS$5 saka ndakanonoka kuchinja mari iya ndikati ndaizobhadhara mangwana acho tikawirirana. Akazouya naFrancis mumwe anoita zvekutsvaira ave kunetsera mari yavo mangwana acho ndisati ndachinja mari. Ndakavatsanangurira kuti ndozviripo Cathy akabva audza Francis kuti atore laptop yangu yebasa. Akaita zvekuibvuta laptop ikabva yakafa,” anodaro Lemekani.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakazochinja mari ndikabhadhara uye ndakatora laptop yangu asi pandakaibatidza ndakaona isingashande. Ndakamumhan’arira kumapurisa akati anoigadzirisa.

“Pasina mazuva maviri, akauya ave kundishungurudza achiti ndinofanira kubva pashopu yavo nekuti handisi kubhadhra rendi. Anogara achizviita zvekubvuta midziyo yevanhu oregera kuidzosa kana kuti anoyiuraya. Manje akanyangira yaona nekuti ndakamumhan’arira, ndokusaka ave kundidzinga.”

Cathy anoudza dare kuti haana kumboshungurudza Lemekani.

“Handina kumbobvira ndamushungurudza. Ane chikwereti che475 Bond. Pashopu pedu tinokwanisa kupa munhu zuva rimwe renotisi (notice) nekuti panobhadharwa pazuva. Nyaya yelaptop ndoibvuma asi laptop yake takagadzira i’application’ imwe chete isiri kungoshanda,” anodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *