Vopihwa sanitary pads pachena

Tafadzwa Mutsotso—

SANGANO rinobatsira nherera nevanoshaya, reZiMwana World Wide, riri kusimudzira utano hwevanhukadzi kuburikidza nekuvawanisa zvekushandisa panguva yekutevera (sanitary pads) pachena.Nguva pfupi yadarika, sangano iri rakapa masanitary pads kuvasungwa vekuChikurubi Female Prision pamwe nevanhukadzi vari kunzvimbo dzinosanganisira Caledonia neBinga pasi pechirongwa chinonzi #My Period.

Nhepfenyuro yeStar FM, iyo iri pasi pekambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, iri kubatsirawo muchirongwa ichi nekuwanisa masanitary pads. Vachitaura pachiitiko ichi muHarare, mukuru weZiMwana World Wide, VaLovemore Hama, vanoti utano hwevanhukadzi hunofanira kukosheswa.

“Chirongwa chekugovera masanitary pads kuvanhukadzi chakatanga mushure mekunge taona kuti avo vanoshaya vanobatikana chaizvo kana vachinge vasvika panguva iyi nemhaka yekuti vanenge vasina zvekushandisa.

‘‘Iyi inguva inosvikwa nemunhukadzi wose pamwedzi wega-wega nokudaro kune vamwe vanoshaya zvekushandisa,” vanodaro VaHama.

Vanoenderera mberi vachiti: “Takaita ongororo tikaona kuti vamwe vasikana vari kushandisa mapepanhau, machira kana ndove yemombe chaiyo panguva iyi nekuda kwekushaya masanitary pads. Saka takaona zvakakodzera kuti titange chirongwa ichi apo tinobatsira vanoshaya ava nemapads kuitira kuti vasashandise zvinhu zvisina utsanana izvi zvinozokonzera kuti vaite zvirwere.”

VaHama vanoti chishuwo chavo ndechekuti chirongwa ichi chipararire kumativi mana enyika. “Tiri kutarisira kubatsira vanhukadzi vakawanda munzvimbo dzakasiyana-siyana muZimbabwe pasi pechirongwa ichi.

‘‘Muna Ndira gore rinouya, tiri kuenda kunobatsira vanhukadzi vekuShurugwi Prison. Zvakare, tiri kutarisira kuti chirongwa ichi chiitwe kune dzimwe nyika dzekunze. Kutaura kuno Nigeria, South Africa, Namibia, United Kingdom neBotswana dzakabvuma kuti chirongwa ichi chiitwe kunyika idzodzi,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naexecutive director weZiMwana World Wide, Pastor Rumbidzai Kamba, vachiti chirongwa che# My Period chiri kusimudzira utano hwevanhukadzi zvikuru.

“Chirongwa chatiri kuitira vanhukadzi ichi chakanaka zvikuru. Dai vamwe vose munharaunda vapindira pachiitiko ichi takwanisa kubatsira vanasikana vedu kuitira kuti utano hwavo husave panjodzi. Pari zvino vanhu vari kuratidza kufara nechirongwa ichi uye tinotendawo zvakare nhepfenyuro yeStar FM iyo iri kutibatsirawo pakuwana masanitary pads aya,” vanodaro.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×