Vopunduka nekupfuya huku

CHIRONGWA chekupfuya huku chemumusha wekwaMutimusakwa kwaShe Chivero, kuMhondoro chosimukira zvikuru pamwe nekuvandudza magariro eruzhinji rwekunharaunda iyi kuburikidza nekuvawanisa mabasa nezvimwewo uye pari zvino kuri kupfuiwa dzinodarika 15 000.

Bhindauko iri reThe Golden Chickens Project rakavambwa makore manomwe akadarika naVimbai Chakanetsa anova mugari wemunzvimbo iyi.

Mushandi anoona nezvekudyidzana neveruzhinji pasi pechirongwa ichi, Muzvare Babra Lock, anoti donzvo ravo kusimudzira budiriro yedunhu iri. “Chakanetsa munhu ane ramangwana rakajeka, akatanga basa iri ndokubatsira ruzhinji rwenzvimbo yaanobva iyi nekuvawanisa mabasa uyewo nekudya kwavanoda munguva yakakodzera. Matanga ekuvamba chirongwa ichi akavakwa nezvidhinha zvakabva muvagari venzvimbo iyi apo vaitengerwa zvaiitawo kuti vaite mari,” akadaro.

Muzvare Lock anoti vane hurongwa hwekupfuya huku dzemazai pamwe nenguruve nekufamba kwenguva.

Huku idzi, idzo dzinova dzenyama chete, dziri kuchengetwa mumatanga anodarika makumi maviri ayo achiri kuwedzerwa nekuda kwekubudirira kuri kuita bhindauko iri.

Nzvimbo iri kuitirwa basa iri inonzi yakatandavara mahekita matanhatu uye Muzvare Lock anoti shuviro yavo kuvaka matanga anokwana huku dzinodarika 69 000 panguva imwe chete.

“Tinogadzira kudya kwehuku idzi toga kuburikidza nechibage chatinotenga kuvarimi vemuno nemapfunde uyewo bhinzi,” akadaro. Kunze kwekupfuya huku, veGolden Chickens vanobatsirawo vagari vemunharaunda nekuvawanisa mvura yakachena kubva muzvibhorani zvavo zvakatenderedza nzvimbo iyi.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×