Vopura mari neMoneyMaker

VARIMI vechidiki kumatunhu akasiyana enyika anosanganisira kuManicaland vopunduka nekurima zvirimwa zvakaita sematomatisi kuburikidza nekushandisa michina yemadiridziro yeMoneyMaker Hip Pump (MMHP).

Michina yechitsoka-tsoka iyi iri nyore kushandisa sezvo isingade mafuta akaita sedhiziri kana peturu asi simba remakumbo chete.

Tawanda Chimuti (26) uyo anotungamiririra chirongwa chemadiridziro evechidiki eChitora Irrigation Scheme kuBocha kwaMarange, kuManicaland anoti madiridziro emhando yechitsoka-tsoka aya akakosha zvikuru nekuti haadhurire varimi.

“Tave nenguva tichiita mabhindauko aya apo taimboshandisa migoro mukuchera mvura mumadhamu nemunzizi asi iko zvino upenyu hwave nyore kuburikidza neMoneyMaker Irrigation Pump.

“Takatanga mumwedzi waNdira asi purofiti yedu iri kuramba ichikwira nekuda kwekuti tave kudiridza nyore pasina kudhurirwa nemagetsi kana dhiziri,” anodaro.

Anoti vakatenga michina yemadiridziro iyi nechikwereti asi vakakwanisa kuunganidza mari kubva mukurima matomatisi vakabhadhara chikwereti chavo chose.

Chimuti anoti mumabhindauko avo vari kutsigirwa negurukota reHurumende rinomirira purovhinzi yeManicaland, Cde Mandi Chimene.

Mumwe murimi wekunzvimbo iyi, VaMaengeni Bingadade vekwaChigodora, vanoti vakakwanisa kutenga tirera yetarakita yavo kubva mukurima vachishandisa madiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps.

VaBrian Vere vanove managing director wekambani yeBlagefields iyo inogadzira michina yemadiridziro aya vanoti inogona kusandura upenyu hwevanhu nenguva diki-diki uye inobatsira mukurwisa nzara nehurombo, zvikuru kuvarimi vadiki.

“Tiri kuda kufambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset chinova chikurwisa nzara muupenyu hwevanhu pamwe nekuti pave nemabasa,” vanodaro.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *