Ndave chigondora: Gasa

MUIMBI weSungura, Romeo Gasa, anoti asamhuka munyaya dzemimhanzi sezvo ave kukwanisa kuita mashoo akazvimiririra kusiyana nakare.

Gasa, uyo vatsigiri vake vanomudana nezita rekuti Simbi Hombe zvichitevera kunetsa kwakaita dambarefu rake rinonzi ‘Simbi Hombe’ muna 2012, nguva yadarika vamwe vaimushoropdza vachiti ndimurondatsimba.

Muimbi uyu anoti ari mushishi kubika dambarefu rake rechishanu uye kushoropodzwa kwose kwaaiitwa kwakamupa shungu dzekuti arambe achishanda nesimba.

“Rwendo rwandafamba rwakareba mumhanzi ndakabva kure, zvinhu zvakaoma pamwe ndichishoropodzwa asi vatsigiri vangu chaiwo vakaramba vakamira neni.

“Ndiri mushishi kubika dambarefu rangu rechishanu iro ndichaparura mwedzi unotevera pamwe neDVD racho. Nziyo dziri padambarefu iri ndinenge ndakaita kurotswa zvekuti ini ndega ndiri kuzvinzwa kuti richavhundutsa vakawanda,” anodaro Gasa.

Maneja wake, Bornface ‘Chief’ Chisvine, anoti muimbi uyu ave kutsigirwa nevasikana muchikwata chake.

“Takaronga tsoro yedu tikati achitanga kuimba achitsigirwa nevasikana muchikwata chake. Izvezvi kumashoo edu kuri kuzara uye vasikana vatiri kushanda navo ava vari kuunza zvakare chaunga sezvo mhanzi yake yave kunakidza,” anodaro Chisvine.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *