Voronga zvingaite kuti vana vapase

Munyori weKwayedza
HURUMENDE iri kuita ongororo yekuona kuti ingabatsire sei zvikoro panyaya yevana vasina kubudirira mubvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) dzegore rapera.

Kunyangwe zvazvo zvikoro zvakawanda zvemudunhu reManicaland zviine vana vakapasa zvinodadisa mubvunzo idzi, kune vamwe vakafoira zvinonzwisa urombo.

Zvikoro zvinosvika 20 zvemudunhu iri zvine vana vakapasa nechikamu chiri pakati pe0 – 20 percent.

Mukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti vakatanga kuita misangano nevakuru vezvikoro pamwe nemasachigaro emaSchool Development Committees (SDC) padanho redistrict nechinangwa chekuti vanzwe pfungwa dzavo pamusoro pekusimudzira kupasa kwevana veO-Level.

“Kusvika pari zvino ndaenda kumadistricts anoti Chipinge neBuhera ndichisangana nevakuru vezvikoro pamwe nemasachigaro eSDC vezvikoro zvine vana vasina kubuda zvakanaka mubvunzo idzi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoda kutora matanho ekusimudzira kubudirira kwevana vemuzvikoro zvakapaswa nechikamu chiri pakati pe0 – 20 percent paO-Level yegore rapera. Misangano iyi iri kubuda nezvinobatika, sezvo vakuru vezvikoro vari kupa pfungwa dzakanaka pamusoro pekuti chii chingaitwe kuti vana vabudirire mubvunzo dzavo dzichatevera.”

VaShumba vari kukurudzira varairidzi kuti vasunge dzisimbe panyaya yekudzidzisa vana kuitira kuti vapase mubvunzo dzavo uyewo nekuona kuti vana vane hunhu hwakanaka.

“Maticha anofanira kuzvipira mubasa ravo uye kudzidzisa kwavo kunofanirwa kunyanya kunangana nekupa vana fundo ine chekuita nemabasa emawoko. Pamusoro pezvo, vakuru vezvikoro vanofanirwa kuwedzera mashandiro avo uyewo nekuona kuti vana vane hunhu hwakanaka sezvo izvi zvichabatsira mukusimudzira kupasa kwavo mubvunzo,” vanodaro.

“Tiri kubatsira zvakare maticha kuti vazive zvavanonyanya kugona nekuvhara mukaha pavari kuperevera.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *