Vorwira mugwagwa wekanzuru

Gamuchirai Muzanenhamu —
VAVAKIDZANI vaviri vari kuendesana kumatare edzimhosva mushure mekunge vanetserana mugwagwa wekanzuru apo murume nemukadzi vanonzi havafanire kudarika nepamba panoroja mumwe mukadzi nekuti vanogara vachiita bopopoto naye.

Mercy Mutero akaendesa Denis Marodzi nemudzimai wake Ellen Makurire kuHarare Civil Court achiti haachade kuti vashandise mugwagwa unodarika nepamba paanoroja nekuti vane katsika kekumutuka.

“Changamire, ndauya nevavakidzani vangu nekuti vari kuti pose pavanodarika nepamba pandinoroja, vanondituka nekutaura zvisina basa zvekuti vandinogara navo hatichagara zvakanaka nekuda kwemashoko avanovaudza,” anodaro Mutero.

Anoenderera mberi achiti Marodzi naMakurire vanogona kushandisa imwe nzira isingadarike nepaanoroja.

“Handidi kuvaona pamba pandinogara uye kana vachida kudarika, ngavashandise nzira iri kumusoro vasingapfuure nekumba kwangu nekuti tinogara muraini rimwe chete. Ivo vari kwekupedzesera neniwo ndiri kwekupedzesera saka vanogona kushandisa imwe nzira isingadarike nepamba pandinogara,” anodaro.

Makamure anoti haana dambudziko nekusaenda kumba kwaMutero asi haabvumirane nekusashandisa mugwagwa nekuti unoshandiswa nemunhu wose sezvo uri wekanzuru.

“Handina dambudziko nekusaenda kumba kwake nekuti ndagara handisvikeko. Chinotondinetsa ndechekuti ari kuda kuti ndifambire kupi iyo iri nzira yekanzuru?

“Nzira iyi inotori netara zvekuti munhu wose ndiyo yaanoshandisa, saka akati ndisaishandise ndofambira kupi nekuti nyangwe vana vangu ndiyo yavanofamba nayo kuenda kuchikoro?” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naMarodzi achiti kana vakarambidzwa kufamba nemugwagwa uyu hapana kumwe kwavanokwanisa kuenda nako.

“Nzira iyi ndiyo inoshandiswa nemunhu wose, ndinenge ndava kushandisa nzira ipi kuenda kubasa?” anodaro Marodzi.

Mutongi Sharon Tatenda Chipanga akarasa chikumbiro chaMutero achiti hazviite kuti Marodzi naMutero vasashandise mugwagwa uyu sezvo uri wemunhu wose uye haangadzivise vaviri ava kuenda pamba panogara mumhan’ari sezvo pasiri pake.

Zvisinei, Mutongi Chipanga akati vatatu ava vanofanira kuchengetedza runyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *