Vorwisa mhirizhonga kuvanhukadzi

Daphne Machiri

VAIMBI vechidzimai vakabatana kutsikisa kambo kanonzi “Munhukadzi” ako kanotaura pamusoro pekukosha kwenyaya yekurwisa mhirizhonga nekushungurudzwa kwevanhukadzi.

Vaimbi ava vanosanganisira Pauline Gundidza, Ninja Lipsy, Kadijah, Lady Bee, Nina Grande, Tytania, Daruler Massina naFaceless uye kambo aka kakatsigirwa neveRockafella Promotions.

Muhurukuro neKwayedza, Gundidza – uyo anozivikanwa achiimba nechikwata cheMafriq – anoti kambo aka ndekekurwira kodzero dzevanhukadzi.

“Takaimba kambo aka pasi pedingindira rekurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi. Takakwanisa kutenderera matunhu ose muno muZimbabwe pamwe nekunyika yeSouth Africa tichipa ruzivo maererano nekuipa kwemhirizhonga kuvanhukadzi,” anodaro Gundidza.

Anoenderera mberi achiti, “Mhirizhonga nekushungurudzwa panyama nepamweya ndakakurira mazviri, kumhuri kwandakaberekwa zvaitika zuva nezuva ndichiona. Ini wacho ndakasangana nazvo, ndakambunyikidzwa nekushungurudzwa.”

Gundidza anoti kambo aka mucherechedzo wekuti munhukadzi wose akakosha uye haafanirwe kushungurudzwa nenzira ipi zvayo.

“Mashoko ari mukambo aka anokurudzira vanhukadzi kuti vasatye kumhan’ara nyaya dzemhirizhonga dzinoitika kwavari,” anodaro.

Gundidza anoti vamwe vanhukadzi vari mune zvemimhanzi vanosangana nedambudziko remapuromota echirume anopedzisira ave kutsvaga rudo kwavari.

“Izvi zvinoshungurudza zvakanyanya uye variko vamwe vanowira asi hakuna kwazvinosvika,” anodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *