‘SAHWIRA NDIYE ANONDIGUTSA’. . . anondipa zvose mari nerudo’

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI akaroorwa nechikomba chake avo vose vanogara mubhuku raMudhokwani, kwaChihota, vari kuyuwira nekurwara nemudumbu vachidurura manyoka asiri kumira mushure mekunzi vateyewa nemushonga werunyoka nemuridzi wemukadzi uyu.

Priscilla Chimuti (35) nechikomba chake Passmore Tashinga (34), uyo anova sahwira wemurume wake – vose vachigara mubhuku rimwe – vakawanikwa neKwayedza svondo rino vari kune imwe n’anga yekuChitungwiza uko vari kubatsirwa kuti runyoka urwu rwubviswe.

N’anga iyi inobvuma kuti ndiyo “yakasota” mudzimai wemuridzi uyu mushure mekunge murume wake akumbira kubatsirwa.

 Vaviri ava vanodura kuvatori venhau kuti vapfidza nekudurura manyoka asingamire mushure mekunge vashereketa vose.

Chimuti anobvuma kuKwayedza kuti ari kudanana nechikomba ichi, icho anoti chinomupa mari nerudo pamusoro.

“Iye murume wangu anongoda migoti yake nemisika chete izvo zvaanotengesa asingagare neni kumba kuti andigutse. Sahwira wake ndiye wandakazodanana naye, tatova negore tichidanana,” anodaro.

Chimuti nechikomba chake – avo vainge vakapfeka mapamper pavakasvikirwa neKwayedza – vanobvuma nyaya yavo Tashinga achiti azvipira kuripa sahwira wake nemombe.

James Nyamande (39), uyo anove murume waChimuti uye anoita basa rekuveza migoti, misika nemigwaku achitengesa, anoti akaendera vaviri ava kun’anga apo akatora chipfeko chemukati chemudzimai wake icho akanogadzirisa.

“Ndakatora chipfeko chemukadzi wangu chemukati icho ndakanogadzirisa kun’anga musungo wangu uchibva wabata. Izvozvi vari kuita manyoka asingaperi vari kugara vakapfeka mapamper,” anodaro Nyamande.

. Nyaya izere muKwayedza resvondo rino.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *