. . . nekuzorwa juju yemudiwadiwa
Kingstone Mapupu
APO nyaya dzemaporofita nen’anga vari kushandisa nyoka dziri kuwanda, imwe n’anga yekwaChihota inoti iri kushandira vanhu zvine musiyano — inosevenzesa nyoka mukurapa idzo dzinonzi ndidzo dzinonochera mishonga kuMalawi nekudzoka dzichitemera vanhu nyora nemazino adzo.
Nyoka idzi anoti ndidzo dzinoshandira vaya vanoda mupfuhwira wekudiwa, kusunga varume kana vakadzi vavo uye vakadzi vanotengesa miviri yavo kuti vakwezve varume nekuvaita kuti vasazeze kuburitsa chikwama.
Izvi zvinouya panguva iyi veruzhinji — kunyanya vari kumaruva — vanzwa nekubirwa navanatsikamutanda vanovati vabata nyoka kana zvikwambo mumisha yavo asi vari ivo vanenge vazvikanda mudzimba dzevanhu.
N’anga yekwaChihota iyi ndiyo imwe cheteyo yakambosungwa nemapurisa muHarare makore adarika iine nyoka ichiti yaive yemudzimu zvisinei nekuti zvakazobuda kuti yainoitengesera mumwe muporofita wekuEpworth. Yakazomiswa mudare redzimhosva, ikawanikwa iine mhosva yekugara nenyoka zvisina mvumo yebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority.
Grey Mupinganjira (36) — uyo azviti chizvarwa chekuMulanje, kuMalawi — anoti anosvikirwa neshavi rasekuru vake.
N’anga iyi inoshandira iri nechepakati penzvimbo yemabhizimisi yeLandas, apo pane imba yayo yemapuranga isingavharwe gonhi. Ndimo munogara nyoka dziri muhari.
Nyoka idzi dzinonzi dzinombovhurirwa dzichinotsvaga chikafu. Anoti dzinodya dzimwe nyoka.
Zvisinei nekuti akambosungwa awanikwa aine mhungu mubhagi rake, Mupinganjira anoti haana kusiya mabasa ake.
“Ehe, ndakambosungwa. Pane zvandakanga ndakanganisa panyoka dzangu idzo dzainge dzagumbuka. Ndakaenda kujeri asi kurimandi ikoko ndaichengetwa nenyoka idzi.
“Iko zvino ndave kurapa haikona zvekutamba, nyoka idzodzi ndidzo dzinoenda kunochera mishonga uye dzimwe nguva ndidzo dzinotemera varwere vangu nyora nekuvakwiza mishonga nemazino adzo. Hazvityise nekuti inyoka dzemishonga,” anodaro Mupinganjira.
Anoti nyoka dzake dzakasiyana nedzemusango sezvo anoita dzekugadzira nemishonga apo anotora gavi, shinda kana bhandi orikanda pasi, yotobva yaita nyoka.
“Pano ndine nyoka mbiri izvozvi, imwe yabuda yaenda kunochera mishonga nekusasana zvayo ichitsvaga dzimwe nyoka dzainodya. Hadzidye chimwe chinhu, dzinodya nyama yedzimwe nyoka.
“Muno ndini ndakabata vasikana vedu vemumabhawa, vanoita mari nechipfambi zvinotyisa sezvo vachipihwa mishonga yeraki nenyoka dzangu. Vakangouya kuno ndikavarapa nemishonga yangu inouya nenyoka, vanopeny’a, vanorwirwa nevarume uyewo murume haazeze kuburitsa chero mari achipa vasikana ava,” anodaro Mupinganjira.
N’anga iyi yakazoburitsa mukweshwa wenyoka yemhungu muhari iyo yaishinyira apo yainge yakabatwa musoro.
Mudare ren’anga Mupinganjira, mune hungwandangwanda hwemishonga, nemachira matsvuku, eretso nemabhodhoro.
Kumadziro kune zvipfeko zvemukati zvechirume nezvechikadzi izvo Mupinganjira anoti anoshandisa kusunga vanoita gumbo mumba gumbo kunze.
“Nyoka iyi inoruma ukaivhiringa pane zvamunenge mawirirana, asi ishamwari yakanaka. Ndinoituma kuMalawi ichinotora mishonga.
“Hongu, vanochera nyoka vachitengesa variko nedzimwe n’anga nemaporofita echitsotsi. Bvunzai muno kuti ndinoita sei, hakuna anobirwa kana kutorerwa mukadzi kana murume wake, ndinosota.
“Varoyi ndinobata ndichishandisa vakomana ivava (nyoka),” anodaro Mupinganjira.
Anoenderera mberi: “Nyoka yandakabata iyi yava nemakore 8 yabva kuMalawi.
‘‘Izvozvi iri kutaura kuti yava kuda kumboenda kunotora mimwe mishonga kunyanza.”
N’anga iyi inoti vamwe vainobatsira vanouya kwairi husiku nekunyara kuonekwa sezvo ichigara pataundishipi.
Mupinganjira — uyo agere mubhuku raMuhove, kwaMambo Chihota — anoti vabereki vake vose vakashaika.
“Vabereki vangu vose vakashaika uye ndine mudzimai Loice Kapindu nevana 4 avo vanoziva basa rangu zvekare vasingatye zvandinoita,” anodaro.
Zvichakadai, Mambo Chihota VaRaphael Chigodora vanoti vari kushushikana zvikuru nekutyorwa
kuri kuitwa mitemo nevanhu vemudunhu ravo nenyaya dzekukara mari.
“Zviri kuitwa naMupinganjira kwandiri samambo imhosva, ndinoda kutuma mapurisa angu kunomuona. Takamboita vasikana vaye vekuzviita varoyi nekuda mari vanonyonyebedzera kudonhera pasowe riri kuBudiriro, kuHarare.
“Kune murume anonzi Chekamwana uyo aimboita basa rekuchera nyoka achitengesa kun’anga nemaporofita. Tine mwana wemuno zvakare akabata zizi muchigayo akaritengesera n’anga – vose ava ndevemuno. Saka ndinoda kuti vanhu ivava vasungwe,” vanodaro mambo.
VaGeorge Kandiyero (45), avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti nyoka dzekugadzira dziriko idzo dzavanoti dzinogadzirwa nemishonga nemakavi kana netambo.
“Nyoka dzemasaramusi nemishonga dziriko. Kune matsotsi anodzichera musango vachitengesera n’anga nemaporofita enhema, saka tinoti vanhu ava ngavasungwe,” vanodaro.
Vanoti rimwe dambudziko ravari kusangana naro nderekuti masangano anonyoresa n’anga nemaporofita awandisa muZimbabwe izvo zvinoita kuti vanhu vangotenga matsamba pasina kuvaongorora kuti ndevechokwadi here.
“Nyoka dzinonzi dziri kutengeswa muHarare nezvimwe zvakaita semazizi, matatya, mipurwa nemarwaivhi izvo zvinonokandwa mudzimba dzevanhu nemaporofita nen’anga venhema,” vanodaro.
Mutauriri webazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo, vanoyambira vanhu vanotamba nenyoka nedzimwe mhuka dzesango mumabasa avo ehun’anga nehuporofita kuti kuita kwakadai imhosva.
“Vanhu ava ngavazive kuti vanosungwa votongwa nemutemo,” vanodaro.
Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Comissioner Paul Nyathi, vanoyambirawo maporofita nen’anga dzechitsotsi avo vanoita minana yekutamba nenyoka kuti vakatarisana nekusungwa.
VaThomas Yakiti Mukunguta (52) vekuChitungwiza vanove chiremba wechivanhu vanoti nyoka zhinji dziri kuonekwa mudzin’anga nemaporofita ndedzemanyepo sezvo dzichitengwa muvanhu vanenge vadzibata.
“Nyoka idzi dzinobviswa mazino hadzisisina huturu saka muchiona vachitamba nadzo, inotoiswa mutirauzi kana mugemenzi nemungundu yonodonhedzerwa pamba pevanhu,” vanodaro.
Vanoti kuziva muporofita kana n’anga yechokwadi chaiyo kwave kunetsa mazuva ano.
Kuchiti Madzibaba Mateo Mupfumbati wekuBudiriro, muHarare, anotsinhirawo achiti, “Vanhu hatinamatei zvechokwadi kwete zvenhema tosiya zvekukanda zvinhu mudzimba dzevanhu.”
Mune imwewo nyaya yakafanana neiyi, svondo rapera mapurisa emuHarare akasunga mumwe murume anozviti muporofita – Eddison Mhembere (38) – uyo wavakawana aine mukweshwa wenyoka mumba make. Mhembere ainge achitsvagiwa nenyaya dzekuba nevamwe vake vakapakata pfuti.
Mhembere anoti anoshandisa nyoka mukushandira vanhu semuporofita.
Asi mashandiro ake akazofumurwa neKwayedza, iyo gore rapera yakambomusvikira kuMarondera apo aishopera achibata nyoka nezvikwambo ari musvo.




