Votsvaga $5 000 yekupedzisa kiriniki

VANHU vanosvika 18 000 vekwaShe Mangwende kwaMurehwa, avo vane dambudziko guru rekushaya kiriniki pedyo navo vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru zvichitevera kuvakwa kwekiriniki yepaChidiya.

Kiriniki iyi yavakakwa mubhuku raChidiya kuWard 26.

Vachitaura neKwayedza svondo rapera, kanzura wenzvimbo iyi, VaMartin Chigusiwa (30), vakati kiriniki iyi yakavakwa kuburikidza nemushandirapamwe wevanhu vari munharaunda vachibatsirwa nemumiriri weMurehwa South mudare reNational Assembly, Cde Joel Biggie Matiza. “Tiri kukumbira rubatsiro kune vakazvipira kuti tichipedzisa kuisa denga rekiriniki nekuvaka dzimba dzevashandi. Zvinhu zvasara izvi zvingade mari inoita US$5 000 kuti tigokwanisa kuizarura zviri pamutemo pakupera kwemwedzi waMbudzi nekuti tange tichida kuti basa iri ringe richiitwa nekukasika mvura isati yaturuka,” vakadaro VaChiguswa. Vanoti munzvimbo mavo mune dambudziko rekiriniki yekiriniki iri pedyo zvekuti vanhu vanotofamba nzendo refu vachienda kune mamwe makiriniki ari kure.

“Kana kiriniki iyi, iyo ichabatsira vanhu 18 000, ikabudirira kupera kuvakwa varwere vanenge vasisayeredzwi nenzizi apo vanenge vachiedza kubira vachienda kune zvimwe zvipatara. Mugore ra2012-2013 takaita ndufu dzevanhu 11 avo vakayeredzwa nemvura, vanhu vasere vakafira mudzimba vakundikana kuenda kuzvipatara nendufu dzevanhu 242 vakafa vachisunungukira mudzimba.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×