Vovakirwa zvikoro zviviri kuChingwizi

George Maponga ari kuMASVINGO
MHURI dzinodarika 3 000 dzekuTokwe-Mukosi idzo dzakagariswa patsva nepamusaka pemafashamu dzakawaniswa rubatsiro nesangano reOrganisation of Petroleum Exporting Countries (OPEC) Fund for International Development iro riri kuvaka zvikoro zviviri munzvimbo yeChingwizi. Kuvakwa kwezvikoro zvinoti Nyuni Primary neNyuni Secondary neOPEC kuchaona mazana evana vepaChingwizi vachidzidzira muzvivakwa zvakakodzera sezvo pari zvino vamwe vachifundira mutwutangwena nepasi pemiti.

OPEC iri kuvaka zvikoro paChingwizi pasi pechirongwa chayo chekusimudzira vanotambura munyika mumatunhu matatu akanyanya kusaririra munyaya dzebudiriro. VaZedius Chitiga, avo vanova Masvingo Provincial Education Director, vanoti kuvakwa kwezvikoro zviviri izvi kwakatotanga.

“Tichange tiine zvikoro zviviri zvitsva zvinoti chepuraimari nesekondari paChingwizi izvo zviri kuvakwa pasi pechirongwa cheOPEC uye basa rakatotanga,” vanodaro VaChitiga.

Vanoti basa rekuvaka zvikoro iri rinopembedzwa zvikuru sezvo richisandura upenyu hwevanhu vekuChingwizi.

“Ndinofara zvikuru nemabasa ebudiriro munyaya dzezvivakwa zvinova zvimwe zvezvinangwa zvegwaro idzva redzidzo reNew Curriculum,” vanodaro.

VaChitiga vanoti pane hurongwa hwekuvaka zvimwe zvikoro zvishanu munzvimbo dzakasiyana dziri mudunhu iri kuburikidza nezvirongwa zvemushandirapamwe. Zvikoro zvinoda kuzovakwa ndezvinoti Mpandawana Secondary, kwaGutu, Bangala Primary iri kwaNyikavanhu, Jerera Primary kuZaka neTakunda Primary neMuleme Primary kuMwenezi.

“Makambani akazvimirira akabatana nevamwe vatsigiri munharaunda idzi vakaunganidza mari dzekuvaka zvikoro zvitsva izvi senzira yekusimudzira upenyu hwevanhu,” vanodaro VaChitiga.

Zimbabwe yakawaniswa rutsigiro rwemari inosvika $20 miriyoni kubva kuOPEC iyo ichashandiswa mukuvakwa kwezvikoro makumi maviri munyika yose.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *