Vovhenekwa gomarara remumazamu pachena

Daphne Machiri
SANGANO reCancer Association of Zimbabwe rakatanga chirongwa chekuvheneka madzimai gomarara remumazamu pachena nedonzvo rekusimudzira utano hwavo kumatunhu ose enyika. Muhurukuro neKwayedza, monitoring and evaluation officer kusangano iri, VaLovemore Makurirofa, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vavhenekwe zvirwere nguva nenguva.

“Tichitarisa tsvakiridzo yakapedzisira kuitwa neveZimbabwe National Cancer Registry mugore ra2013, vanhukadzi vakaonekwa vari panjodzi huru yekubatwa nechirwere chegomarara remumazamu. Chirwere chegomarara kana chikapararira zvakanyanya zvinoreva kuti chinenge chisisiri nyore kurapika nekuti huturu hwacho hunenge hwakomba,” vanodaro VaMakurirofa.
Vanokurudzira vanhukadzi kuti vaende kunovhenekwa chirwere ichi pachena.

“Vanhukadzi vachange vachivhenekwa gomarara remumazamu rinova riri kutambudza vakawanda vavo. Donzvo rechirongwa ichi nderekuvandudza utano hwevanhukadzi,” vanodaro. Gore roga-roga, mumwedzi waGumiguru ndipo panopihwa chenjedzo kuruzhinji pamusoro pechirwere chegomarara remuzamu (breast cancer awareness month).

“Chirwere chegomarara remumazamu ndechechipiri pazvirwere zvegomarara zvinotambudza vanhukadzi pasi rose. Naizvozvo zvakakosha kuti vange vachiwana rubatsiro neruzivo ruzere pamusoro pedenda iri.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×