Voviga nyama muwodhiropu. . . pasi pemagumbeze

Danisa Masuku

VARUME vashanu vanogara mumusha weBurnside, kuBulawayo, vakasungwa nemhosva yekuuraya njiri – nguruve yemusango (warthog) – ndokuviga 20kg yenyama yacho muwodhiropu.

Vasungwa vashanu ava ndiEmmanuel Matare (49), Tyran Shito (39), Masimbe Mazimbe (30), Mbonisi Gumede (26) naPhathisani Moyo (23) vose vanogara muBurnside.

Mumwe ari kuona nezvekuferefetwa kwenyaya iyi anoti Khumbulani Shumba (32) – uyo anoshandira Elizabeth Baye (29) – uye ari mubhizimisi rekuchengetwa kwemhuka dzesango pasi pekambani inonzi Free To Be Wild kuBurnside, akaona kuti imwe yenguruve dzake dzemusango yakange isipo.

Baye naShumba vakabva vatanga kutsvaga nguruve iyi ndokuzonzwa nevagari vemuBurnside kuti Matare, Shito, Mazimbe, Gumede naMoyo vainge vapinda zvisina mvumo munzvimbo inochengetwa mhuka dzesango ndokuuraya nguruve iyi.

“Apo vaitsvaga nguruve yavaive vasiri kuona iyi, vamwe vagari vemunzvimbo iyi vakaenda kwavari ndokuvaudza kuti Shito nevamwe vake ndivo vainge vaiba, ndokuiuraya husiku uye nekuti nyama yacho yaive yakavigwa kumba kwaShito,” anodaro.

Nguruve yemusango seinonzi yakauraiwa zvisiri pemutemo nevarume vashanu vanogara mumusha weBurnside, kuBulawayo, avo vakasungwa nekuda kwemhosva iyi.

Muzuva rimwe chete iri nenguva dza4 masikati, Baye akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa epakamba yeHillside Police Station.

Mapurisa akaenda kumba kwaShito ndokumusunga nevamwe vake. 

Mukuferefetwa kwenyaya iyi, mapurisa akazowana nyama kumba kwaShito.

“Nyama inorema 20kg yakawanikwa yakaiswa mumacooler box maviri iri muwodhiropu. Macooler box aya aive akavhariridzwa nemagumbeze,” anodaro mumwe ari kuziva nezvenyaya iyi.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.

“Ndinotsinhira kusungwa kwevarume vashanu nemhosva yekuuraya nguruve yemusango. Nyama inorema 20kg uye ichikosha US$600 yakawanikwa. 

“Nguruve iyi yose inokosha US$1 000,” vanodaro Insp Ncube.

Vanoti imhosva huru kuvhima nekuuraya mhuka dzesango munhu asina kupihwa rezinesi rekuita izvi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×