WAG yosimudzira utano kuMbire

SANGANO reWomen’s Action Group (WAG) rakapemberera zuva rezveutano nguva pfupi yadarika kudunhu reMbire, kuMashonaland Central, iro rakapindwa nevanhu vanosanganisira vezveutano nevanobatsira vanenge vasangana nemhirizhonga yemudzimba. Musi uyu, vagari vemudunhu iri vakawana mukana wekubatsirwa mune zveutano zvakasiyana zvakaita sekutariswa utachiona hweHIV, BP pamwe nechirwere chegomarara remuchibereko kuvanhukadzi.

Nguva dza6 mangwanani dzakazosara dzosvika nzvimbo yeMushumbi Business Centre yatozara nevanhu, zvikuru madzimai ayo aida rubatsiro kunyanya rwekuvhekwa gomarara remuchibereko.

Dunhu reSouthern Africa ndiro rine ndufu dzakawanda pasi rose dziri kukonzerwa negomarara remuchibereko, sezvakaburitswa nesangano reWorld Health Organisation.

Chirwere chegomarara chiri kukonzera ndufu dzinosvika chikamu che1/3 (makumi matatu muzana) muZimbabwe uye ndicho chiri pamberi pakukonzera ndufu kumadzimai.

Izvi zviri kuwedzerwa nekuda kweutachiona hweHIV.
Kana madzimai akaenda kuzvipatara zvekumaruwa vaine gomarara remuchibereko, zvishoma zvavanokwanisa kubatsirwa nazvo sezvo kusina zvekushandisa zvakakwana.

Boka reZimbabwe National Cancer Registry rinoti vanhukadzi vanosvika 3,96 miriyoni muZimbabwe vane makore anodarika 15 okuberekwa vari padambudziko rekubatira chirwere chegomarara remuchibereko.

Pasi rose, nyaya dzegomarara remuchibereko dzinoitika pagore dzinonzi dzinosvika 493 000 apo madzimai 274 000 vanofa nekuda kwechirwere ichi.

Kumadzimai emuZimbabwe, dambudziko rine chekuita nezvirwere zvegomarara raifanira kupera zvichitevera kukumikidzwa zviri pamutemo kwakaitwa chirongwa chekuisa michina inovheneka chirwere ichi pachena kuzvipatara zviri kumatunhu akasiyana enyika makore maviri adarika.
Zvisinei, izvi hazvina kudaro nekuda kwedambaudziko rekushomeka kwemichina yekuvheneka varwere kumatunhu akawanda enyika.

Zvinosuwisa kuti pasi pechirongwa chakaitwa kuMbire, madzimai 17 chete ndiwo akakwanisa kuti avhenekwe chirwere chegomarara remuchibereko.

Zvisinei, vakawanda vakabatsirikana nekutariswa utachiona hweHIV, BP pamwe nekupangwa mazano ekuronga mhuri.
Vachitaura nezvezuva iri, Women’s Action Group director, Mai Edinah Masiyiwa, vanoti donzvo ravo nderekusimudzira utano hwemadzimai kumatunhu akaita seMbire.

Vanoti vanhu vakawanda kumaruwa vanosangana nematambudziko ekuti vange vachibatsirika zviri nyore panyaya dzeutano hwavo nekuda kwehurombo nezvimwe zvikonzero.

“Izvi ndizvo zvakaita kuti tive nezuva iri rezveutano, kuti tipe mukana kuvagari vekuMbire wekusimudzira utano hwavo, izvo zvavasingagare vachiwana,” vakadaro Mai Masiyiwa.

Vanoti chishuwo cheWAG kuita zvirongwa zvakadai kune mamwe matunhu enyika uye gore rinouya vachaendawo kuChipinge.

Zvinyorwa zvino zvakaitwa pasi pechirongwa che“UNH4+ Support to Reproductive, Maternal, Newborn and Child Health” nedonzvo rekuderedza ndufu dzemadzimai nevana panguva yekusununguka uye chirongwa chino chiri kutsigirwa nesangano reUNAIDS kubva kuHurumende yeSweden.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×