Wati wambodya rupiza?

NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira veruzhinji kudya chikafu chechivanhu chakaita serupiza icho chinonzi chakakosha zvikuru pakuvaka muviri.
Svondo rino Mbuya Mako Mulilo vekuBikita, kuMasvingo, vanorondedzera mamwe mabikirwo erupiza zvine hunyanzvi.
Zvinodiwa:
Makomichi matatu enyemba, mafuta, dovi, munyu, mugoti nemvura.

Mabikiro:
Menya nyemba kana kupura wodzikanga.
Bvisa marara ose nekudzipepeta.
Kuya nyemba kusvika dzaita zvidimbu zvidiki.
Unogona zvakare kudzitswa muduri. Kwatisa zvawakuya zviye muhari.
Isa twumafuta twushoma kuti zvisatsvira nechepasi.
Isa munyu wokurungira dovi kana zvichinge zvaibva.
Ramba uchimona rupiza nemoto wakaderera kuti rwusatsva.
Kana dovi nerupiza zvichinge zvanyatsosangana, siya zvishinyire kwemaminitsi angaite mashanu.

Wozodii?
Kana zvadai, chingwarira kuzviruma rurimi nekunakirwa.
Kare vamwe vaidya rupiza nesadza rezviyo kana jena asi rwunogona kudyiwa rwakadaro.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×