Wenger ngaachibva: Silva

MUTAMBI akambotambira Arsenal panguva yayaizivikanwa sema‘Invincibles’ anobvuma kuti nguva yakwana yekuti Arsene Wenger achibva kuchikwata ichi.

Gilberto Silva – uyo akatamba nhabvu yainwisa mvura apo Arsenal yakapedza mwaka wese isina kumbokundwa mumwaka wa2003-04 ndokuhwina mukombe – anoti Wenger ave kukundwa kuita basa nevarairidzi vechidiki vakaita saAntonio Conte, Pep Guardiola naJurgen Klopp.

Basa raWenger riri kuongororwa nevanhu vakawanda uye chikwata chake chinogona kutadza kupinda pazvina zvepamusoro (top 4) kekutanga kubva muchinda uyu agadzwa pachigaro chinopisa mugore ra1996 uye kondirakiti yake iri kupera pachapera mwaka uno.

Izvi ndizvo zvatuma Gilberto kuti ati pamwe nguva yakwana yekuti Wenger achisiya basa.

“Ndinofunga kuti nguva yakwana,” chizvarwa chekuBrazil ichi chakaudza Sport 360.

“Kana mukazvitarira nguva yake iri kuita ichiswedera pedyo kuti achibve – kwete kuti haachazive basa, kwete, asi kuti, pamwe zvimwe zvikwata zvakashandura mashandiro azvo.

“Haana kushanduka zvakanyanya, haana kumboshandura nzira yemashandiro ake, kwete nekuti haadi, asi zvinonetsa kukwikwidza nezvikwata zvinoshandisa mari yakawanda mwaka wega-wega,” anodaro.

“Wenger ashanda kwemakore akawanda kudarika vese (Conte, Guardiola naKlopp) muPremier league. Vachiri vadiki, vane morari yekushanda zvakasimba uye vanotsvaga nzira dzekumukunda Wenger.

“Ane nzira yake yekushanda iyo yaanotemba zvikuru. Hazvina basa kuti uri mukuru here kana kuti mudiki unofanirwa kuve une chiri pauri kuti ubudirire, saka ndizvo zvimwe zvinomutuma kuramba achishanda.” – Daily Mail.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×