Wenger oda kuti Podolski arambe ari muchikwata chake

MANEJA weArsenal, Arsene Wenger, anoti Lukas Podolski anoda kuti arambe ari muchikwata chake zvichitevera nyaya dziri kubuda dzekuti mutambi uyu anogona kuenda muna Ndira.
Podolski, uyo ane makore 29 okuberekwa, aive muchikwata cheGermany chakahwina mukombe weWorld Cup kuBrazil gore rino.

Haana mufaro wakanyanya kuchikwata chake uko kwaasiri kunyatsotamba sezvaanotarisira.

Podolski akatsutsumwa zvikuru apo akachema-chema kuti haasi kuwana nguva yakakwana yekutamba nhabvu ndokuti achaona zvekuita mugoredzva.

Zviri kunzi anogona kudzokera kunotambira nhabvu yake kuBundesliga, uko zvikwata zvakawanda zviri kuda kumutenga pamwe nekumupa nguva yaanoda yekutamba nhabvu.

Nguva yekutengeswa kwevatambi haisati yasvika, asi Wenger anoti Podolski acharamba ari mumwe wevatambi vaanodisa kuchikwata chake.

“Zvinhu zvinozivikanwa izvi, nguva yekutengeswa kwevatambi haisati yasvika.

“Kana isati yasvika, tese tinenge tichifambidzana tichiita zvinhu zvimwe chete. Ndozviripo. “Iri ibasa raunobudirira kana wakazvipira kuita zvaunenge wanzi uite.

Haungarambe uri kuita izvi neizvo panguva imwe chete.

“Tese tiri kuda chaizvo kurwira zvibodzwa zvatinoda kuti tihwine uye Podolski mumwe watinotarisira kuti achabata basa,” akadaro Wenger. — Sky Sports News

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×