West Ham yorambira naCarroll

WEST Ham yoramba kutambira mari kubva kuzvikwata zvekunyika yeChina izvo zvinoda kutenga Andy Carroll.

Mutambi uyu aidiwa nezvikwata zvinoti Tianjin Quanjin, Hebei China Fortune neShandong Luneng asi West Ham yange isingade kumutengesa sezvo chikwata ichi chiine vatambi vashoma vekumberi.

Diafra Sakho – uyo ange akakuvara – ari kutarisirwa kudzoka muchikwata cheWest Ham mwedzi unotevera. Murairidzi wemaHammers, Slaven Bilic, ari kushuvira chaizvo kuti Carroll ange achikwanisa kusangana neChelsea mumutambo wavo unotevera svondo rinouya nemusi weMuvhuro.

Mutambi uyu – uyo akambotambira Liverpool – haana kutamba mutambo wechikwata chake musi weMugovera wadarika apo chakaita mangange 1-1 neWatford. Asi, Bilic anotarisira kuti kupera kwesvondo rino anenge ave kuita gadziriro dzake nechikwata chake.

“Chikwata chanachiremba vechikwata chino chakandizivisa kuti achange ave kukwanisa kuita gadziriro dzake kupera kwesvondo rino,” akadaro Bilic.

Akaenderera mberi akati, “Akambomhanya musi weChishanu chadarika neMugovera pasina change chichimukanganisa, saka tinovimba kuti zvicharamba zvakadaro. Ini nanachiremba tichiri kungoramba tichimuongorora. Tinovimba kuti akawana mazuva achishanda nesu zvinomukwanira kuti agopenya mumutambo unotevera. Tinoda chaizvo kuti atambe mumutambo weChelsea.”

Carroll akanwisa kana mumitambo mina yake yekupedzisira kumaEast Londoners uye bhora raakanwisa rakavhoterwa kuve Goal of the Month mumwedzi waNdira zvichitevera kunwisa kwaakaita pamutambo weCrystal Palace. – Daily Mail.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×