WFP yobatsira vanoshaya

Muchaneta Chimuka
SANGANO reWorld Food Programme (WFP) muZimbabwe rakatanga chirongwa chekubatsira vanhu nekudya munguva ino yekupisa (Lean Season Assistance Programme) kutanga mumwedzi waGumiguru apo rakapiwa US$22 miriyoni yakabva kuUnited States Agency for International Development (USAID) uye vanhu 430 000 avo vasina chekudya vachange vachibatsirikana.

“Rubatsiro rwechikafu urwu rwuchaenda kumhuri dzinotambura zvakanyanya muZimbabwe kuti dzinge dzichibatsirikana kwemwedzi mitanhatu inotevera,” vanodaro VaEddie Rowe vanove mumiriri weWFP muZimbabwe.

Ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe Vulnerability Assessment Committee (ZimVAC) inotaridza kuti muZimbabwe vanhu vanodarika 2,4 miriyoni vekumaruwa vanogona kusangana nematambudziko ekushaiwa chekudya, zvikuru mumwedzi waNdira naKurume 2019.

Huwandu hwevanhu vari kutambudzwa nenzara uhwu hunonzi hunogona kuwedzera kana mvura yemudenga ikakundikana kunaya zvakanaka zvichikonzerwa neEl Niño.

Sangano reUSAID riri kubatsira zvakare nekutenga mapfunde ayo achabatsira vanhu vanotambura.

Mugore ra2017, Hurumende yeUnited States yakabatsira neUS$77 miriyoni kuti vanhu vange vachiwaniswa kudya kunovaka muviri, pakati pezvimwe zvirongwa.

Zvakadai, sangano reWFP riri kuedza kuvandudza zvirongwa zvaro kuti ribatsire vanhu 1,1 miriyoni pamwedzi muZimbabwe rinova basa rinoda US$73,5 miriyoni mumwedzi waKubvumbi 2019.

Sangano reWFP riripo pakupa rubatsiro rwechimbi-chimbi kuzviuru nezviuru zvevanhu  vanotambura uye zvakare nekuvabatsira muita mabhindauko anoendeka.

Sangano iri rinoshanda munyika dzinodarika 80 pasi rose richibatsira vanhu vanenge vawirwa netsekwende dzakadai sehondo, mafashamu nezvimwe senzira yekusimudzira raramo yavo.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *