Wilshere otaura nezveArsenal

JACK Wilshere anoti haasi kufunga pamusoro pezviri kuitika kuna Arsene Wenger kana kuArsenal uye akazivisa zvimwe zvikwata kuti pachapera mwaka uno anogona kutengeka.

Mutambi uyu – uyo ane makore 25 okuberekwa – ari kuBournemouth uko akaenda nechikwereti kwemwaka wese uye anoti anoda kubatsira chikwata ichi kuti chirambe chiri muPremier League.

Ukuwo Arsenal, iri kutatarika. Inogona kutadza kupinda pakati pezvikwata zvina zvepamusoro (top 4) kekutanga kubva 1996 uye hazvisi kuzivikanwa kuti Wenger acharamba ariko here kana kuti achabva kuchikwata ichi chaarairidza kwemakore 20.

Nerimwewo divi, Wilshere ari kutambira nhabvu yake kuBournemouth akazvinyararira.

Paakabvunzwa kuti anoda kuti Wenger arambe ari kuArsenal paanodzokera kuchikwata ichi, Wilshere akati, “Inyaya yavo, handisi kunyanya kufunga nezvazvo. Chinenge changoitika, ngachiitike.

“Zviri kuitika kuArsenal iye zvino hazvinei neni panguva ino. Ndiri mutambi weBournemouth, Arsenal yandirega ndichiuya kuBournemouth kwegore rese uye ndine murairidzi kuno wandinotaura naye tichiwirirana,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti, “Hongu, ndichitarisa Arsenal, ndiri mutsigiri weArsenal, ndinoda chaizvo kuti Arsenal iite zvakanaka. Kwandiri Arsene Wenger aive akapenga. Akandipa mukana wekutamba ndichiri mudiki uye akaramba achinditsigira.

“Ndakakuvara akaramba akamira aneni. Ndiye akaita kuti ndive pandiri pano, ndive mutambi wandiri iye zvino. Saka handikwanise kufunga nezveramangwana rake panguva ino asi kwandiri aindigonera.”

Wilshere haazive kuti achange aripi mwaka unotevera, kana kondirakiti yake yekuBournemouth yapera, kuti acharamba ariko here kana kuti achaenda kuArsenal kana kune chimwe chikwata. Aya mashoko achafadza zvikwata zvakawanda zvemuPremier League.

“Kana ndikadzokera kana Wenger achiriko zvimwe achandipa mukana zvakare sezvaakamboita,” akadaro Wilshere.

Akaenderera mberi achiti, “Asi handizive kuti ndiri kuenda kupi. Handizive kuti ndichange ndiri kuArsenal here. Handizive kwandinenge ndiri.”

Wilshere akabva kuArsenal achida kutamba nhabvu kakawanda izvo zvaari kutadza kuita kuBournemouth mazuva ano. – Daily Mail Football.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×