World Navi yosimbisa hukama

Abel Ndooka
SACHIGARO weDivision One Northern Region, Willard Manyengavana, anoti ligi ravo nekambani yeWorld Navi, iyo yaivakotsvera gore radarika, vari muhurukuro yekuti vagopinda mune chimwe chibvumirano chekuti hukama hwavo hurambe huchienderera mberi mwaka uno. Nhengo dzeWorld Navi dzakauya svondo radarika kubva kuJapan kuzoita hurukuro neNorthern Region nedonzvo rekusimudzira ligi iri.
Manyengavana anoti hurukuro nekambani iyi dzakatotanga kare uye changosara chete kuti vachingosainirana pasi svondo rino.
Anoti gore rino vari kutarisira pakuru kubva kuWorld Navi nekuti ligi ravo riri kukura zvikuru.

Manyengavana akaenderera mberi achiti kunze kweWorld Navi, ligi ravo richaramba richishanda nevamwewo vakotsveri vaivatsigira gore radarika.

“Hurukuro dziri kufamba zvakanaka mugwara chairo, tiri kutarisira kunge tasainirana pasi kupera kwesvondo rino.
“Isu neWorld Navi takashanda zvakanaka gore radarika saka tinovimba kuti gore rino hukama hwedu hucharamba huchienderera mberi.
“Izvezvi tiri pakati pekukurukura navo uye pangosara tudiki-diki chete twatinoda kungogadzirisa.

“Chimwe chinhu chikuru ndechekuti vamwe vakotsveri vataishanda navo gore radarika ticharamba tiinavo uye vose titori nezvibvumirano navo,” akadaro Manyengavana.
Zvakadaro, Manyengavana anoti vanotarisira kuti mitambo yemuligi ravo ichazotanga kupera kwemwedzi waKurume.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×