‘. . . yakangofanana nemuchetura’

Muchaneta Chimuka
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nduru yegarwe yakangofanana nemuchetura sezvo ichigona kuuraya munhu kana akaiisirwa muchikafu kana muchinwiwa.

Mashoko aya anotevera nyaya yemumwe mukadzi wekuBulawayo uyo ari kupomerwa navamwene vake kuti anogara nenduru yegarwe iyo anoda kushandisa kuvauraya.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Association, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti nduru yegarwe hachisi chinhu chekugara nacho mumba nekuti yakangofanana nemuchetura unouraya.

“Nduru yegarwe inowanzoshandiswa nevanhu vanenge vachida kuuraya vamwe nekuti ine uturu hunouraya pakare-pakare.

“Vamwe vanoikuya vakaisanganisa nemishonga, voiisa munzara kuitira kuzoiisa muchikafu kana mudoro remunhu, kunyanya mudoro riya rekuti vanhu vanonwa vachitambidzana. Munhu anogona kufa pakare kana kuti kwapera kanguva zvichienderana nekusimba kwemuviri wake. Asi chokwadi ndechekuti inouraya,” vanodaro.

Dr Bernard Madzima, avo vanova director weFamily Health kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti nduru yegarwe inogona kunge iine uturu.

“Hakuna ongororo yati yaitwa inoratidza kuti kune mishonga inorapa inobva munduru yegarwe. Hakuna zvachose zvekuti tine fungidziro kuti inogona kunge iine uturu hwakaipa,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa neKwayedza padandemutande inoratidza kuti nduru yegarwe ine maasidhi anoshandiswa nemhuka kuti dzinge dzichinyunguditsa mafuta adzo mumuviri.

Zvichakadai, nguva yadarika vanhu 69 vakafa, vamwe 196 vakanoponera kuchipatara kuMozambique mushure mekunwa doro rechivanhu rinodaidzwa nekuti “pombe” (phombe) iro rinofungidzirwa kuti rainge rakaiswa muchetura wenduru yegarwe.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *