Young Warriors hutu kuMorocco

CHIKWATA chemaYoung Warriors cheUnder-23 svondo rino chakaenda kuMorocco uko chichanobandana nemaYoung Atlas Lions ekunyika iyi nemusi wesvondo mumutambo wehushamwari.

MaYoung Warriors ari kushandisa mutambo uyu segadziriro dzekuenda kumakwikwi eUnder-23 African Youth Championships ayo achaitirwa kuDemocratic Republic of Congo gore rinotevera uye nemutambo wemaAll Africa Games uyo uchatambirwa kuCongo Brazzaville gore rinouya zvekare.

Mumitambo yehushamwari yatambwa nemaUnder-23 kusvika parizvino, akakundwa 1-0 neBotswana ndokuzorakashawo Swaziland 2-0.

Chikwata chakaenda kuMorocco chinosanganisira vatambi vakaita saKudakwashe Mahachi weMamelodi Sundowns, Ronald Pfumbidzai weCAPS United pamwe nevamwe vanotambira kuEurope vakaita saBrendan Galloway weEverton FC naMarvellous Nakamba weVitesse yekuNetherlands.

Mukushi wemashoko kusangano reZifa, Xolisani Gwesela, anoti mitambo yehushamwari yakakosha zvikuru kuchikwata chavo cheUnder-23.

“Gadziriro dzange dzichifamba zvakanaka dzevapfana vedu uye tinoda chaizvo kuti vanohwina svondo rino.

“Isu tinokoshesa nhabvu yevechidiki ndosaka tichimhanya-mhanya kuvatsvagira zvese zvavanoda pamwe nekuvarongeka mitambo iyi.

““Kana isuwo takatoonawo tega kuti vapfana vedu ava vanotamba nhabvu inodakadza zvikuru. Vatori nani pane madhara avo (maWarriors) sezvo madhara pasina zvavari kuita, vari kutamba nyemba chaidzo, vechidiki ava vane ramangwana rakanakisa chaizvo,” akadaro Gwesela.

“Hatisati hedu taziviswa kuti mutambo uyu uchatambirwa munhandare ipi, asi chatinoziva ndechekuti uri kuenderera mberi uye uchatotsva chete,” akadaro Gwesela.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×