ZB Bank yoronga makwikwi ezvikoro

Muchaneta Chimuka
BHANGA reZB Bank rakabatana neveEmerginations Africa nedonzvo rekusimudzira fundo yevana vari muzvikoro zvesekondari kuti vazove vanamuzvinabhizimusi vemangwana kuburikidza nemakwikwi ekuratidza hunyanzvi hwavo munyaya dzekufambiswa kwemabasa.

Nemusi weChina svondo radarika, zvikoro zvitanhatu zvakaungana paPrince Edward School, muHarare, apo zvakakwikwidza muchirongwa cheNational Business Case Competitions.

Pazvikoro zvakakwikwidza izvi, Oriel Boys High ndiyo yakatora mukombe ichiteverwa neQueen Elizabeth, Mufakose 1 High, Prince Edward, Harare High neZengeza High.

Harare High yakawanawo mukombe wechikoro chakanyanya kutsvinda kupinda zvimwe (Best dressed).

Vachitaura pachiitiko ichi, Mai Emilliah Mabika – avo vanova Head of Group Marketing and Corporate Communications kuZB Bank – vanoti chirongwa ichi chakakosha zvikuru sezvo chichibatsira vadzidzi kuti vakwanise kuzozvivambirawo mabhizimusi avo kana vachinge vapedza dzidzo yavo.

“Tiri kudzidza zvakawanda kubva kwavari asi chinangwa chedu ndechekuumbiridza zvipo zvavo kuti vakwanise kuzozvivambira mabhizimusi zvichibva mukugona kushandisa ruzivo rwavanowaniswa muzvikoro vachizova vanhu vanozviitira mabasa emawoko kana kuzovamba mabhizimusi makuru,” vanodaro.

Vazhinji vakapinda mumakwikwi aya ndeavo vari kuita zvidzidzo zvemabhizimusi  (Business Studies).

Mukufambiswa kwemakwikwi aya, zvikoro zviri mumatunhu akasiyana zvakapihwa musoro wenyaya uri maringe nezvekufambiswa kwemabhizimusi kuti vange vachiita (business proposal).

Zvichakadai, bhanga reZB Bank rinoti richaita chirongwa chekufundisa vana vechikoro maringe nezvemachengeterwo uye mashandisirwo emari (Financial literacy seminar) kuBulawayo nekuMasvingo mwedzi uno.

Emerginations Africa yakavambwa muna2012 nechinangwa chekutsigira vechidiki muAfrica kuti vawaniswe mikana inosimudzira upenyu hwavo munyaya dzemabasa nekuvambwa kwemabhizimusi.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *