‘Zengeza High 1 inotipa manyawi’

VANA vakakunda vamwe muzvidzidzo, mitambo nezvimwe zvakasiyana pachikoro cheZengeza High 1, kuChitungwiza, svondo rapera vakapembedzwa nekupihwa mibairo.Vachitaura pamabiko aya, vaiva muenzi anokosha vari zvakare mukuru wedzidzo mudunhu reChitungwiza (District Education Officer), VaAbsalom Chinoona, vakarumbidza vana vakashanda nesimba zvakaita kuti vazohwinhe mibairo iyi.

Vakati zvinofadza kuti vana vepachikoro ichi vanosvika chikamu che90% vanenge vapedza A-Level vari kuwana mukana wekunodzidza kumayunivhesiti emuno neekunze kwenyika.

Chimwe chikamu che9% chevana vepaZengeza High 1 vakati chiri kuendawo kunodzidza kune mamwe makoreji akasiyana izvo zvinoratidza budiriro munyaya dzedzidzo.

Zvakadaro, mumwe mwana wepachikoro ichi, Tsitsi Zana, uyo ari kuita Form 2 akadadisa apo akaita nhamba 2 munyika yose kumakwikwi e”Cover to Cover Essay Competition” nguva pfupi yadarika.

VaChinoona vakakurudzira vabereki nevatungamiri vezvikoro kuti vakoshese basa riri kuitwa nevadzidzisi pamwe nekuvatsigira. Vakati dzidzo haireve chinhu kana pakashaikwa zvemitambo, tsika nemagariro.

“Vana vanogona muchikoro vanodadisa, asika dzidzo haipereri mukirasi, vanoita zvemitambo vanokodzerawo kuwaniswa mibairo. Ndizvo zvinoita kuti vana vaite manyawi,” vakadaro VaChinoona. Mukuru wechikoro ichi, VaJaiphas Runesu, vakatenda vana vechikoro nekushanda nesimba uko vari kuita vachiti vanonzwa manyukunyuku nevadzidzi veA-Level vanokwana 63 avo vakaita mapoinzi anobva pa10 zvichikwira gore rapera.

Vadzidzisi vakawaniswa mibairo pazuva iri vanosanganisira Mai Linda Chonzi, avo vane vana 27 vakabuda nema”A” kuchidzidzo cheShona pamwe naVaShuddy Mapuranga, avo vane vana 40 vaiva nema”A” kuHistory pabvunzo dzeO-Level dzegore rapera.

Vana vechikoro vakapihwa mibairo yaisanganisira mabhuku ekunyorera, ekuverenga nezvimwe zvinoshandiswa mukudzidza.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×