Zim Karate yotarisira kuenda Joni

CHIKWATA cheZimbabwe Karate Union chiri kutarisirwa kuenda kuSouth Africa svondo rinotevera uko chichanokwikwidza kumutambo weShorinkempo Kaikan Full Contact mukupera kwemwedzi uno.

Mutambo uyu unotambwa gore rega-rega kuSouth Africa uye gore radarika Zimbabwe yakakwanisa kuunza menduru shanu dzakasiyana.

Vatambi veZFU vachaenda kunokwikwidza kumutambo uyu vachange vari vemumapoka akaita selight-weight, middle-weight, heavy-weight pamwe neopen-weight.

Mutambo uyu uchatambwa musi wa30 vatambi vose vachiiswa mumapoka akasiyana uye vanenge vahwina vanobva vabudirira kufambira mberi kusvika vapinda mufainari. Zvakadaro, Secretary-Genaral weZimbabwe Karate Union, Senpai Stephen Charandura, anoti parizvino vari mushishi kutsvaga vakotsveri vanokwanisa kuvabatsira kuti vagotumira chikwata chavo kuSouth Africa.

Senpai Charandura vanoti vanoda chaizvo kutumira chikwata chavo chine nhengo dzinopfura 40 icho chinosanganisira vatambi, varairidzi pamwe nevatungamiri veZKU asi hazvisi kukwanisika sezvo parizvino vasina mari yekuvatakura vose kuenda kumutambo uyu.

“Hatisati tave kuona chiedza chakanaka pamutambo uyu nekuti mari iri kunetsa kuwana.

“Tinoda chaizvo kutumira chikwata chedu chakasimba chine vatambi vakawanda asi zvinenge zviri kunetsa sezvo mari hakuna, vakotsveri havasi kuwanika.

“Isu chatisiri kuda kuzosangana nedambudziko rakafanana neratakawana gore radarika apo mumwe mutambi wedu akazokuvara tikazosangana nehondo yekumurapisa.

“Asi chinhu chikuru ndechekuti tiri kuda kuti chikwata chedu chiende kunokwikwidza kumutambo uyu,” akadaro Senpai Charandura.

Zvakadaro mumwe wevarairidzi weZKU, Sensei Kumbirai Musinami, anoti chikwata chavo chiri kugadzirira zvakasimba chakatarisana nemutambo uyu.

Sensei Musinami anoti kana vakabudirira kuenda kunokwikwidza kuSouth Africa vanoda kuhwapura menduru dzakawanda kudarika idzo dzavakahwina gore radarika.

“Mutambo uyu unotozivikanwa kuti unenge uriko gore rega-rega saka isu tiri kugadzirira zvakasimba nekuti tiri kuda chaizvo kunohwina menduru dzakawanda.

“Gore radarika takahwina menduru shanu chete uye gore rino tinotarisira kutora dzakawanda,” akadaro Sensei Musinami.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×