Zim yakadadisa kuS A

MUTAMBI wekarate muboka re65 kgs, Tinotenda Mudhokwani, svondo radarika akahwapura menduru yesirivha kozoti Ian Gengezha akahwina yebhuronzi muboka re75 kgs mumutambo we1st All Africa Shinkyokushinkai Karate Championship 2016 uyo wakaitirwa kuDurban, kuSouth Africa.

Zimbabwe yakatumira vatambi vatatu kumutambo uyu apo mumwe wechitatu wacho, Sydney Muzongolo – uyo aikwikwidza mu85 kgs – akazokundirwa kuma quarter-final.

Mutungamiriri wechikwata cheZimbabwe ichi, Sensei Samson Muripo, anoti kunyangwe havo vakatakura vatambi vashoma kumutambo uyu, vatatu ava vakatamba zvinonwisa mvura.

“Hazvisi nyore kuhwina menduru, zvinhu zvinofadza saka tinokorokotedza vatambi vedu vatakaenda navo kumutambo uyu tichiti vakatamba zvinonwisa mvura.

“Tinoramba tichivakurudzira nguva nenguva kuti ngavarambe vachishanda nesimba nekuti tinoda kuti vagotora menduru dzegoridhe uye tinovimba kuti mune ramangwana vachahwina chete goridhe mumutambo uyu,” anodaro Sensei Muripo.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *