Zim yakahwinha makwikwi eAu

Muchaneta Chimuka —
MUKOMANA wechidiki wemuZimbabwe akasimudza mureza wenyika nguva pfupi yadarika zvichitevera kuhwinha kwaakaita mubairo mukuru weAfrica Union Logo Contest apo akaratidza hunyanzvi hwake muzvinyorwa zvegraphic designing.

Quentine Nyoni (22) akahwinha mubairo uyu mushure mekuonekwa kuti logo yaakadhirohwa yaifambirana nedingindira regore rino remusangano weAfrican Union iro rinoti “Harnessing the Demographic Dividend through Investiments in Youth.”

Muchiitiko ichi – icho chakave chekutanga muAU – vechidiki vari kuita zvidzidzo zvegraphic design vakawaniswa mikana yekuratidza hunyanzvi hwavo.

Nyoni akawana mubairo we$1 000 uye akasarudzwa kuti apinde musangano mukuru weAU wevatungamiriri venyika neHurumende we28th Ordinary Session Summit wakaitirwa kuAddis Ababa, kuEthiopia, uyo wakaitwa kutanga musi wa30 kusvika 31 Ndira 2017.

Vamwe vakapinda musangano uyu vanosanganisira munyori mukuru weUnited Nations, VaAntónio Guterres.

Chirongwa cheAfrican Union Logo Design Contest chakaparurwa naDr Martial De-Paul Ikounga avo vanova African Union Commissioner of Human Resources, Science and Technology.

Nyoni akakwanisa kuenda kumusangano mukuru weAU uyu kuburikidza nerutsigiro rwakabva kusangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA).

“Ndakange ndakamirira vechidiki apo ndakanotsanangura nezvemureza weAfrican Union pamwe nelogo yangu kuvatungamiriri venyika neHurumende. Ndinofara zvikuru nekuwaniswa mukana uyu uye ndicharamba ndichienderera mberi nedzidzo ine chekuita nekusimudzirwa kwenyika dzakasiyana,” anodaro Nyoni.

Anoti ari kutarisira kuzotanga kambani yake inoona nezvekufambiswa kwemashoko kuburikidza neruzivo rwechizvino-zvino yeMultimedia, iyo kana ikabudirira, ichaita kuti azokwanisa kufundisa vechidiki vemuZimbabwe kuti varatidze zvipo zvavo pachena.

“Ndichada kuvafundisa kuti vazive kuti graphic design ibhizimusi riri kuitwa nevanhu vashoma munyika muno nokudaro ndinoda kufundisa vechidiki kuti vashandure upenyu hwavo sezvandakaita ini,” anodaro.

Nyoni ari kutarisira zvakare kuramba achivandudza fundo yake sezvo anoti kana apedza zvidzidzo zvake zvegraphic design anoda kuenderera mberi nezveInternational Development Studies.

“Pandakaenda kuAddis Ababa, ndakadzidza zvinhu zvakawanda izvo zvakandipa shungu dzekuti ndinge ndichiramba ndichisimudzira dzidzo yangu,” anodaro.

Mumiriri weUNFPA muZimbabwe – VaCheikh Tidiane Cisse – vanoti vanotenda zvikuru AU mukutsigira zvipo zvevechidiki.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *