Ticharwa semvumba: Makutya

Abel Ndooka —
MUTUNGAMIRI weZimbabwe National Paralympics Committee – Michael Bulagango – anoti chikwata cheZimbabwe National Wheelchair and Hand-cycling icho chiri kuenda kunokwikwidza kumujaho weOtanique wheelchair Challenge kuSouth Africa chinofanira kurwa semvumba kuitira kuti chisimudzire mureza wenyika.

Achitaura svondo radarika muHarare pamhemberero dzekuonekana nechikwata cheTeam Zimbabwe icho chiri kunokwikwidza musi weMugovera, Bulagango anoti chishuwo chavo kuti vanokumba menduru dzegoridhe.

“Sekuziva kwenyu nyika yose parizvino iri kugunun’una pamwe nekurwadziwa nekukundwa kwakaita maWarriors kuAfcon, saka imi endai munohwina goridhe muunze mufaro pazviso zvavo.

“Tinodada nemi nekuti tinoziva kuti munozviita.

“Endai munohwina kudarika zvamakaita gore radarika,” anodaro Bulagango.

Chikwata cheTeam Zimbabwe chine vatambi 13 – varume vasere nevanhukadzi vashanu.

Gore radarika, chikwata ichi chakakwanisa kuhwina menduru 11 dzakasiyana.

Kaputeni weTeam Zimbabwe, Edmund Makutya, anoti chikwata chavo chakagadzirira zvikuru kuenda kunohwina menduru yegoridhe chete kuSouth Africa uye hapana chinovakonesa kana vachitarisa rutsigiro rwavakawana kubva kumakambani akasiyana.

“Handina remuromo nerutsigiro rwatawana kubva kumakambani akasiyana, runofadza zvikuru uye tinorwuyemura nekuti pasina makambani aya tingadai tisiri kuenda kunokwikwidza.

“Tinovimbisa kuti tichadzoka negoridhe rega-rega kwete zvimwe uye tinozviita nekuti vatambi tinavo vane matarenda mumutambo uyu,” anodaro Makutya.

Chikwata ichi chine vatambi vanosanganisira Wilson Nyakoko, Edmund Makutya, Samson Muroiwa naThandiwe Ndlovu avo vachakwikwidza mumijaho yakareba makiromita 21 ne42.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *