Zim yakahwinha sirivha, bhuronzi kusa

CHIKWATA cheZimbabwe Karate Union icho chaive kuSouth Africa svondo radarika
kumutambo weIKO Kyokushinkaikan Matsushima Group World Karate Tournament chakakwanisa kuhwina menduru mbiri – yesirivha pamwe neyebhuronzi.
Sensei Samson Muripo ndiye akahwinha yesirivha kuchitiwo Tawanda Mufundisi, uyo akazotyoka gumbo rake achirwa mumutambo uyu, akahwapura yebhuronzi.

Muripo akapotsa nepadiki ahwina goridhe asi akazobvisirwa zvimwe zvibodzwa mushure mekunge arova mutambi wekuUkraine kumeso ndokubva mutambo uyu wamiswa. Izvi zvakaita kuti chizvarwa chekuUkraine ichi chihwiniswe makwishu aya.

Sensei Stephen Charandura, uyo akaenda kuDurban, kuSouth ari head of delegation achitungamira chikwata cheZimbabwe, anoti  vatambi vavo vese vakadadisa kunyangwe zvavo vakazohwina menduru mbiri chete pamwe nekusangana netsekwende yekukuvara kwakaita Mufundisi.

Anoti Muripo akazobatirirwa pakupedzisira asi akange arwa amire.
“Pazvikwata zvese zvemuAfrica zvaive kumutambo uyu, isu tisu tega takatamba zvakanakidza vazhinji zvaiyemurika.

“Vatambi vedu vaive nemoto chaiwo uye isu hedu takagara mudenga rechinomwe nematambiro avakaita.
“Sensei Muripo akazongobvisirwa zvimwe zvibodzwa pakupedzisira asi ndiye  aifanirwa kunge akatora goridhe nekuti muchinda wekuUkraine akamubika zvakasimba. Akazongobvisirwa zvibodzwa paakati arohwa kumeso izvo zvinova zvisingatenderwe pamutemo wemutambo uyu,” akadaro Charandura.

Zvakadaro, Charandura anoti  Mufundisi ari kutarisirwa kudzoka kumusha svondo rino kubva kuSouth Africa uko kwaari kurapwa.

“Mufundisi akatyoka gumbo paairwa apo akakava munhu waairwa naye ndokubva akuvara.
“Izvezvi takamusiya kuSouth Africa uko kwaari kurapwa nekuti taisakwanisa kumutakura kudzoka naye.

“Takamirira kunzwa kubva kunachiremba wacho kuti ave kukwanisa kubuda muchipatara here adzoke kumba.
“Isuwo parizvino tiri kumhanya-mhanya kutsvaga mari yekumutengera tikiti rendege rekudzokesa kumba,” akadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×