Zim yorongera England muTest match

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika chemaChevrons chichasangana necheEngland mumutambo mumwechete wetest match uyo uchatambirwa kuTrent Bridge, kuNottingham.

Mutambo uyu uchatanga musi wa22 uchizopera musi wa25 Chivabvu.

Aka kachange kari kekutanga mushure memakore akawanda maChevrons kunotamba kunyika yeEngland uko akapedzisira kuenda mugore ra2003.

Murairidzi wemaChevrons – Justin Sammons – akadoma chikwata chakasimba chevatambi 15 icho chichanosangana neEngland.

Achaitaura pamusoro pechikwata chake, Sammons anoti: “Tichitaura panhau yamatambiro, tinotarisira kutamba zvemhando yepamusoro apo tichasangana nechimwe chezvikwata zvikuru pasi rese.

“Ndinoda kuti vakomana vafambe ikoko vachizvitemba, vachifarira nguva yacho vachiziva kuti vanogona kurwisana nechikwata chikuru uye vachifarirawo basa ravo.”

Mutambo uyu unotevera wemaChevrons neBangladesh uyo wakaona zvikwata zviviri izvi zvichibandana mumitambo miviri yetest match ikazopera 1-1.

Panopera mutambo uyu, maChevrons achazosangana neSouth Africa kubva musi wa4 kusvika 6 Chikumi kuArundel.

Muchikwata chaSammons, icho achatakura kuenda nacho kuEngland, mune vatambi vanosanganisira Sikandar Raza uyo akadzoka sezvo asina kutamba mumutambo weBangladesh, Clive Madande uyo ari kudzokawo zvichitevera kukuvara kwaainge akamboita naNewman Nyamhuri uyo akatsiva Vincent Masekesa.

 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×