Lovemore Kadzura
MURUME ane makore 43 ekuberekwa wekwaSeke mudunhu reMashonaland East anonzi akapisa ambuya, amai vemudzimai, vake nepeturu achishandisa kagwenya kanobatidza fodya akavasiya vaine maronda anotyisa uye vari kurwira hupenyu hwavo muchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital, kwaMutare.
Loverange Abraham Muchapondwa anonzi akapisa ambuya vake, Fungai Sanderson (48), kwaSabhuku Chiduku kwaMambo Chiduku kwaMakoni, kudunhu reManicaland mushure mekunetsana apo akasangana navo vachiperekedza muzukuru wavo kuchikoro.
Muchapondwa anonzi akaenda kwaChiduku achitevera mudzimai wake nevana avo vainge vatiza kumba kwavaigara naye kwaSeke zvichitevera kunetsana kusina kubudiswa pachena kuti kwaive pamusoro pei.
Anonzi paakasangana naambuya vake ava, akatanga kuvataurira nemashoko echisimba kuti vadzore mudzimai wake nevana kumba.
Ndipo paanonzi akabva avadira peturu kwava kuvapisa nekagwenya kanoshandiswa mukubatidza fodya vachibva vatanga kutsva.
Muchapondwa, uyo aive asina gweta rinomumirira, akamiswa pamberi pemutongi wedare reRusape Magistrates Court – VaFrancis Mapfumo, achitarisana nemhosva yekuedza kuponda.
Haana kupihwa mukana wekubvuma kana kuramba mhosva iyi achibva atenherwa muchitokisi uye ari kutarisirwa kuzodzoka mudare nomusi wa18 mwedzi uno.
Akanzi kana achida bhero akumbire kuburikidza nedare guru reHigh Court.
Muchuchisi VaMarlon Makamba vanoti Sanderson akachema achitsvaga kubatsirwa apo rimi remoto rakanga ramuputira izvo zvakaita kuti murume wake amhanyire kunomununura ndokumubvisa mbatya dzaibvira.
“Musungwa munyaya iyi mukuwasha wemumhan’ari. Nomusi wa30 Kubvumbi gore rino munguva dzemangwanani, Muchapondwa akashanyira mhuri iyi kumba kwayo achibva asangana naambuya vake ava vachiperekedza muzukuru wavo kuchikoro panova paakadhonza jaketi ravo nechemukora (collar) achivaudza kuti aida kuti mhuri yake idzoke kumba.
“Anonzi akabva abudisa kabhodhoro kepurasitiki kaive nepeturu ndokuvadira kubva mumusoro nemuviri wese achibva abatiza moto pavari zvakaita kuti vatsve.
“Murume wavo anonzi ndiye akazovabvisa mbatya dzavainge vakapfeka kuti vasaramba vachitsva vachibva vaendeswa pakiriniki asi vakazopfuudzwa kuenda kuVictoria Chitepo Provincial Hospita uko vachiri muchipatara mushure mekupihwa mubhedha,” vanodaro VaMakamba.
Sanderson akakuvara zvakanyanya uye magwaro anoratidza hudzamu hwekukuvara kwake haasati aunzwa kudare.




