Zim yotatsurana neBenin

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo kutanga Chishanu, apo chichasangana necheBenin mumutambo wekurwira tikiti rekuenda ku2026 FIFA World Cup, uyo uchaitirwa kunyika dzinoti Canada, Mexico neUnited States.

MaWarriors neBenin achasangana kuAbidjan, kuCote d’Ivoire. Benin ichashandisa Abidjan semusha wayo sezvo isina nhandare dzinosvika padanho rinotenderwa neCAF neFIFA kuti dzitambirwe mitambo yenhabvu.

Maringe nemutambo uyu, murairidzi wemaWarriors, Michael Nees, ane basa gukutu mberi rekusimudza chikwata chenyika kuti chigohwinha mitambo yachakatarisana nacho kana chichida kuzoenda kuWorld Cup gore rinouya.

Pari zvino, maWarriors ndiwo ari pasi pelogo, aine zvibodzwa zvina kubva pamitambo mitanhatu yaatamba muboka rawo — Group C.

Muboka iri mune zvimwe zvikwata zvinoti South Africa, Rwanda, Nigeria neLesotho.

Kuti maWarriors akwanise kuwana kamukana kekuti aende kumutambo mukuru uyu anofanirwa kuhwinha mitambo yawo yose yasara yemuboka iri, kutanga newemusi weChishanu chino, apo achasangana neBenin; tevere wesvondo rinouya, apo achasangana neRwanda mumutambo uchazoitirwa kuSouth Africa.

Chikwata ichi chakasvika kuAbidjan musi weSvondo wadarika, izvo zvakafadza Nees. Akati kukurumidza kusvika kwange kuchibatsira zvikuru nyika yake kuti ijairire nzvimbo iyi apo yakatarisana nemutambo mukuru neBenin.

Achitaura pamavhidhiyo akakandwa papeji reZIFA repaX, Nees akati: “Kwandiri, zvinhu zvakakosha chaizvo nokuti kukurumidza kusvika kunotipa nguva yekujairira nzvimbo, tichijairirana nemamiriro ekunze, zvotibatsira kuti gadziriro dzedu dzifambe zvakanaka.

“Kana patiri kugara pakanaka chaizvo zvokuti zviri kutibatsira kuita gadziriro dzedu takasununguka. Chimwe chiri kundifadza vatambi vedu vazhinji vakakurumidza kuuya, izvo zviri kutibatsira kuita gadziriro dzedu sechikwata,” akadaro Nees.

Mutambo wekutanga wemuboka iri, apo maWarriors akasangana neBenin, wakapera ari mangange 2-2. Mutambo uyu wakaitika kuMoses Mabhida Stadium, kuDurban, South Africa.

Mutambo weChishanu uchipera, maWarriors ari kubva abhururuka akananga kuSouth Africa kunosangana neRwanda mumutambo uchatora nzvimbo kuOrlando Stadium.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×