Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika cheCricket chemaChevrons chakagamuchira draw yakaitwa yemutambo weICC Men’s Cricket World Cup 2027, uyo uchatambirwa muno muZimbabwe, kuSouth Africa nekuNamibia.
Sarudzo yemitambo iyi yeWorld Cup yakaitwa svondo radarika uye maChevrons akaiswa muboka rimwe chete nerine zvikwata zvinoti India, iyo ine mukombe uyu weWorld Cup; Australia; Pakistan; Afghanistan; nechimwe chikwata chichazobudirira kuenda kumutambo uyu chisati chave kuzivikanwa.
Boka iri rakaoma zvikuru sezvo riine zvikwata zvitatu zvepamusoro, izvo zvichasangana nemaChevrons. Zvikwata izvi zvinoti India, Australia nePakistan.
MaChevrons achatambira mitambo yawo yose muno apo ichange ichironga mitambo iyi yeWorld Cup pamwe chete neSouth Africa neNamibia.
Asi muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket, murairidzi wemaChevrons nevatambi vake vanoti Richard Ngarava naSikandar Raza vakagamuchira boka iri, vachiti vakamirira mutambo uyu.
Achitaura, kaputeni wechikwata ichi Ngarava akati: “Uyu mukana wakanaka kwatiri senyika, seZimbabwe, nokuti tiri kuzvishambadza pachauya nyika dzakasiyana-siyana muno.
“Tine zvirongwa zvekushanyirwa kwenyika (tourism) zvakanaka,
tsika nemagariro akanaka uye tinotamba mitambo zvakanaka, saka chiremerera chikuru kuti tiri kuronga mitambo iyi.
“Tinovimba kuti tichatamba zvakanaka kuti tigofadza vatsigiri vedu, avo vachange varipo pamutambo uyu,” akadaro.
Mutambo wokutanga uchaona Zimbabwe ichitamba nechikwata chichahwinha mutambo weQualifier A musi wa9 Gumiguru, uyo uchatambirwa kuQueens Sports Club, kuBulawayo, yozotamba neAfghanistan musi wa11 kunhandare imwe chete.
Mutambo unotevera uchaona ichitamba neAustralia musi wa15 Gumiguru kuHarare Sports Club, yozosangana neIndia kuVictoria Falls musi wa24 Gumiguru.
Ngarava akati zikwata zvavachasangana nazvo ndezvepamusoro, izvo zvichasunda chikwata chavo kushanda nesimba.
“Tiri kugadzirira kusangana nechikwata chero chauya.
“Zvose zvikwata izvi ndezvepamusoro, zvine vatambi vepamusoro, saka ndinoziva kuti zvichatisunda kuti tishande nesimba.
“Zvichange zvisiri nyore, asi tichashanda nesimba mumitambo yedu,” akadaro.
Kuna Raza, mukana uyu wakakosha zvikuru kwaari sedungamunhu; mukana wekumirira Zimbabwe muWorld Cup ari pamusha, asati aregedza kutamba.
Achitaurawo, Raza akati: “Chiri kundifadza ndechokuti ndichatamba mutambo weWorld Cup pamusha wangu.
“Chiremerera chikuru uye zvinhu zvinosimudzira kutamba mutambo weWorld Cup pamusha penyu uye pamberi pevatsigiri vedu.
“Ndinofunga kuti ichi ndicho chinhu chikuru kwandiri chekuita ndisati ndasendeka shangu dzangu — kutambira mitambo yeWorld Cup muno munyika mangu,” akadaro.