Zimbabwe neSri Lanka zvobandana muT20I series

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri kubandana necheSri Lanka mumitambo yeTwenty20 International (T20I) series, iyo iri kuitirwa kuHarare Sports Club.

Mitambo yeT20 iyi inotevera miviri yeone-day international (ODI), iyo yaitambwa nemaChevrons nemaLions eSri Lanka svondo radarika.

Mitambo yeODI iyi yose yakazohwinhiwa neSri Lanka.

Svondo rino zvikwata zviviri izvi zviri kurwisana mumitambo yeT20, iyo yakatanga neChitatu chino. Imwe mitambo miviri yacho ichange iriko musi weMugovera neSvondo.

Chikwata chemaChevrons chakasimukira nekudzoka kwevatambi vanoti Sean Williams, uyo akapedzisira kutamba mitambo yeT20 gore radarika, apo maChevrons akatamba neBangladesh; uye Brendan Taylor.

Zimbabwe iri kushandisa mutambo uyu kuumba chikwata chayo, icho chainoda kuti chizotambe pamutambo weICC Men’s T20 World Cup Africa Qualifier, uyo uchazoitirwa muno mwedzi uno.

Mutambo weICC’s Men’s T20 World Cup Africa Qualifier uchange uine kubandana kwezvikwata zvisere muno kutanga musi wa26 Gunyana kusvika musi wa4 Gumiguru.

Zvikwata zviviri zvichapedza zviri pamusoro pemutambo uyu ndizvo zvichabudirira kuhwinha tikiti rekuenda kunokwikwidza kumutambo we2026 ICC Men’s T20 World Cup, uyo uchaitirwa kuIndia neSri Lanka gore rinotevera.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *