Zimbabwe, South Africa dzosimbaradza hukama

Tendai Mugabe
PRESIDENT Mnangagwa nemutungamiriri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa nemusi weChipiri svondo rino vakawirirana kuti vafambise nekuchimbidza zvirongwa zvekuzadzikisa zvibvumirano 45 zvekudyidzana kwenyika mbiri idzi dzichishanda pamwe chete munyaya dzebudiriro muzvikamu zveupfumi zvakasiyana.

President Ramaphosa vakashanya munyika muno svondo rino vachiuya kugungano rechitatu reZimbabwe-South Africa Bi-National Commission (BNC) iro rakaitirwa muHarare.

Zimbabwe neSouth Africa dzakanyorerana pasi zvibvumirano 45 zvekushanda pamwe chete mukusimudzira zvikamu zveupfumi zvakadai sezvemigodhi, kutenga nekutengeserana nekutakurwa kwezvinhu nezvitima.

President Mnangagwa naPresident Ramaphosa ndivo vaiona nezvekunyoreranwa pasi kwezvibvumirano izvi.
Vachitaura nevatori venhau, President Ramaphosa vanoti nyika yavo inotsigira Zimbabwe zvizere.

“Mungade kuziva kuti hurukuro dzedu dzeBNC dzabata-bata zvakawanda zvakadai sekutenga nekutengeserana, nyaya dzemvura nezvemigodhi,” vanodaro.

“Zvibvumirano zvinosvika 45 zvanyoreranwa pasi. Gungano iri rimwe reBNC rabudirira zvikuru sezvo tisina kuita hukururo dzechinhu chimwe chete.”

President Ramaphosa vanoti muhurukuro dzavakaita, vakataurawo zvakadzama pamusoro penyaya yekubatsira Zimbabwe nemari uye hurukuro idzi dzichiri kuenderera mberi.

Vachitaura apo vaivhara gungano iri, President Mnangagwa vanoti South Africa ndiyo inonyanya kutenga nekutengeserana zvinhu zvakasiyana neZimbabwe.

“Ndinoda kurumbidza kunyorerana pasi kwezvibvumirano zvemaMOU nemativi maviri aya. Izvi zvichaita kuti pave nekudyidzana kwakanyanya muzvikamu zvakadai sezvekurima,” vanodaro President Mnangagwa.
Vanoti zvakakosha kuzadzikisa zvibvumirano izvi kuburikidza nekutora matanho ekuti zvinhu zvinge zvichiendeka.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×