Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors svondo rino chakaenda kumazivandadzoka, kuYaounde, Cameroon, uko chichatatsurana necheEquatorial Guinea, mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kumutambo we2027 Africa Cup of Nations, musi weChina.
Zvikwata zvenyika mbiri idzi zviri muboka rimwe chete, Group E. Zvichasangana mumitambo miviri yakatevedzana yekurwira kuenda kuAFCON 2027, iyo icharongwa nenyika nhatu dzinoti Kenya, Tanzania neUganda.
Mutambo wokutanga wezvikwata zviviri izvi uri kuitirwa kuYaounde, Cameroon, uko kuri kushandiswa semusha weEquatorial Guinea, iyo isina nhandare inosvika padanho rinotenderwa neCAF uye FIFA kuti iitirwe mitambo yepamusoro.
Mutambo wechipiri uchazoitirwa muno muZimbabwe, kuNational Sports Stadium, muHarare, nomusi weMuvhuro svondo rinouya.
Chikwata chaRamon Catala chinofanira kutokunda Equatorial Guinea mumitambo miviri iyi kuti chikwanise kuramba chiine mukana wekuenda kuAFCON gore rinouya.
Parizvino maWarriors akagara pechipiri palogo yeGroup E, aine zvibodzwa zvitatu kubva pamitambo miviri yaatamba yekurwira kuenda kuAFCON 2027.
MaWarriors ane zvibodzwa zvimwe chetezvo zvine Equatorial Guinea, iyo yakagara pechitatu uye yakwanisa kutamba mitambo miviri.
Mune mimwe mitambo iriko yeboka iri, Democratic Republic of Congo (DRC) ichasangana neSierra Leone mumitambo miviri yakatevedzana.
DRC ndiyo iri kutungamirira palogo, iine zvibodzwa zvitatu kubva pamitambo miviri yayatamba yekurwira kuenda kumitambo yeAFCON 2027.
Catala ari kuvavarira kutevera mumatsimba evamwe varairidzi vemaWarriors vakatungamira chikwata chenyika ichi kuenda kumitambo yeAfrica Cup of Nations vanosanganisira Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa, Charles Mhlauri, Kalisto Pasuwa naNorman Mapeza.
Chizvarwa chekuSpain ichi chakadoma chikwata chakasimba chemaWarriors, icho chicharwa neEquatorial Guinea mumitambo miviri yakatevedzana iyi.