Zimdef yakapa $500000

Daphne Machiri
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari nguva pfupi yadarika rakapihwa $500 000 neZimbabwe Manpower Development Fund (Zimdef) yekutsigira zvidzidzo zveSainzi muzvikoro.

Gurukota rebazi iri, Professor Paul Mavima, vanoti mari iyi ndeyekuvandudza zvidzidzo zveSainzi, zvikuru vakatarisana nezvikoro zvekumaruwa.

“Mari iyi tichaishandisa kuvaka atinoti maScience Hub muzvikoro zvatichasarudza mupurovhinzi imwe neimwe.

“Tichasarudza zvikoro gumi kubva mumadistrict 8 ari kumaruwa kumapurovhinzi enyika,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti kunyangwe zvazvo donzvo ravo riri rekuvaka maScience Hub, vanoda kusvika padanho rekuvaka zvakare zvikoro zveSainzi zvakazvimirira (Science Academy).

“Tinoda kuti tisvike padanho ratichange tave nezvikoro zveSainzi zvakazvimirira. Tichapa mukana wekuti vana vose vanogona chikoro munzvimbo idzi vawane mabhezari uye vatichasarudza ndeavo vachange vachiita zvidzidzo zveSainzi,” vanodaro.

“Donzvo redu nderekuvandudza zvidzidzo zveSainzi muZimbabwe, tigofambirana nedzimwe nyika. Tinofanirwa kubura shasha dzemabasa anosanganisira vanachiremba, engineers nanamazvikokota munyaya dzeSainzi.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *