Zimwana yotsigira maparalympics

Daphne Machiri —
SANGANO rakazvimirira reZimwana World Wide rosimudzira mutambo wevakaremara mitezo kuburikidza nekukotsvera makwikwi emaNational Paralympics Games egore rino nemari inosvika $110 000.

Makwikwi aya achaitwa kubva musiwa 7 Kubvumbi kusvika 11 Kubvumbi kuBindura, kudunhu reMashonaland Central.

Executive director weZimwana World Wide – Mai Rumbidzai Judith Kamba – avo vanove zvakare sachigaro wekomiti iri kuona nezvekutsvaga mari yemakwikwi aya vanoti zvakakosha kutsigira mitambo yevakaremara mitezo.

Vanoti vanotenda zvikuru sangano reSports and Recreation Commission (SRC) nekuvapa mukana wekukotsvera makwikwi aya.

“Mari inodiwa inosvika $250 000 asi tiri kumashure kwenguva nekudaro tichakwanisa kupa $100 000,” vanodaro Mai Kamba.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tichitarisa mitambo yemaOlympics, Zimbabwe yakaenda ikadzoka nemenduru dzinokwana gumi uye pfumbamwe dzakabva kune vaikwikwidza muparalympics games imwe chete ikauya naKirsty Coventry. Izvi zvinoratidza kuti vemaparalympics games vanomira-mira saka naizvozvo vapei mukana.”

Vachapinda mumakwikwi aya vachakwikwidza mumitambo inosanganisira basketball, volleyball netennis.

Mai Kamba vanoti zvakakoshawo kuti vanhukadzi vapinde mumakwikwi akadai.

Zvakadai, Harare Metropolitan Province inoti gadziriro dzayo dzemakwikwi aya dzave padanho repamusoro uye iri mushishi kushanda zvakasimba kuitira kuti igokunda.

Gore radarika, Harare yakakundikana kutumira vatambi vayo vose nekuda kwekushaya mari asi rwendo rwuno iri kutarisirwa kutumira chikwata chakasimba.

Provincial administration clerk kusangano reSports and Recreation Commission – Percy Samugadza – anoti vari kugadzirira zvakasimba sezvo vachida kunohwinha menduru dzegoridhe chete.

“Purovhinzi yedu iri kutoita mitambo yakasiyana yekuumba chikwata chayo uye tiri kutoshaya kuti totakura vapi sezvo vatambi vakawandisa vari kuuya vane tarenda rinonwisa mvura. Gore rino tinoda kukumba menduru dzegoridhe chete kuBindura saka tichatakura shangwiti dzichanotibatira basa kumitambo iyi,” anodaro Samugadza.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×