Ziva nezvechirwere chemanyoka

CHIRWERE chemanyoka chinogona kungonyuka pane ipi zvayo nguva uye kana chichinge charamba chichienderera mberi kwemasvondo mana kana kudarika, chinenge chave kunzi muchiRungu “acute” kana kuti “persistent diarrhoea”.

Munguva zhinji, chirwere chemanyoka chinokasika kupera asi pamwe pacho chinotora nguva refu.

Chinonyanya kutyisa pachirwere chemanyoka kurasikirwa nemvura yemumuviri, nokudaro kurapwa kwemanyoka kudzorera mvura iye inenge ichirasika mumuviri.

Zvinokonzera manyoka:

Chirwere chemanyoka chinokonzerwa nekupinda kunenge kwaita hutachiona hwemabhakitiriya kana mamwe majemisi anokonzera manyoka mudumbu. Utachiona uhwu hunogona kupinda mumuviri huchibva muchikafu kana mvura.

Kana munhu ane chirwere chemanyoka akagadzira chikafu chinozodyiwa nevamwe, anogona kukonzera kupararira kwacho.

Mamwe manyoka anogona kukonzerwa nekuda kwekunwa doro rakawandisa, kusapindirana kwemimwe mishonga nemuviri (side effects) kana kushungurudzika mundangariro.

Zviratidzo zvemanyoka:

Munhu ane manyoka anogona kurutsa nekuchaya tsvina inenge yakaita semvura kanokwana katatu kana kudarika mukati memaawa 24.

Manyoka anogona kunge akasangana neropa kana kuti dziwa.

Nyama kana kuti mhasuro dzedumbu dzinorwadza uye marwadzo acho anoita kunge ave kupera panguva imwe neimwe yaunozvibatsira.

Murwere anodziya muviri, kukosora pamwe nekutemwa nemusoro uye kupera simba mumabvi.

Zvakakosha kuti murwere akasike kuenda kwachiremba kana achinge aona zviratidzo zviri pamusoro nekuti kana muviri ukaramba uchirasikirwa nemvura munhu anogona kufa.

Zviratidzo zvemuviri warasikirwa nemvura:

Kupera simba, kuita dzungu, kutemwa nemusoro, kuny’ura mukati kwemaziso, kurasa mvura shoma, kuoma muromo, kuvhiringika mupfungwa, kurova kwehana kwakanyanya kana kumbomira kushanda kwenjere (coma).

Machiremba anokwanisa kutora tsvina yemurwere voivheneka kuti vaone mhando yemanyoka.

Munyika dzinopisa, vanhu vanokurudzirwa kunwa marita maviri kana kudarika emvura uye murwere anokurudzirwa kunwa 200ml dzemvura pachikamu chimwe nechimwe icho anenge ari kuchaya manyoka.

Zvakakosha zvakare kugadzirira murwere mvura yemunyu neshuga inoti 750ml dzemvura yakafashaidzwa ine zvipunu zvitanhatu zveshuga nechidimbu chemunyu.

Mvura iyi yakakosha nekuti inodzorera iyo inenge iri kuraswa nemurwere kuburikidza nemanyoka kana kurutsa uye inomisa manyoka.

Dziviriro yemanyoka:

Chengetedzai chikafu pakachena. Chikafu ngachibikwe chichiibva muchishandisa mvura nemidziyo yakachena.

Gezai mawoko nemvura yakachena, inomhanya musati mabata chikafu uye mushure mekudya.

Zvakakosha kuti chikafu chidyiwe chichipisa.

Vanhu havafaniri kungodya chikafu panzvimbo dzose-dzose.

Ruzivo urwu rwakabva padandemutande rinoti patient.info/health/acute-diarrhoea-in-adults-leaflet

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *