Ziva nezvemalaria

MALARIA chirwere chinotapuriranwa kubva kune munhu anacho chichienda kune mumwe kuburikidza nekurumwa nehumhutu.Chirwere ichi chakaipisisa kuvana vari pasi pemakore mashanu ekuberekwa nekuvanhukadzi vakazvitakura. Nekudaro kana vanhu vachishanyira nzvimbo dzine malaria, vanofanira kutora mishonga yekuchidzivirira.

MuZimbabwe, chirwere chemalaria chakanyanya munzvimbo dzinosanganisira kuZambezi Valley nedzimwe dzakaderera nemamita 900 dziri kuchamhembe kwenyika sekuSabi, Limpopo Valley nekuChiredzi.

Nyaya zhinji dzemalaria dzinowanzoitika mumwedzi waKukadzi naChivabvu apo humhutu hunogara uye kubereka huri munzvimbo dzinenge dzakajenga mvura. Mumwedzi yekutonhora nekupisa semunaChikunguru naNyamavhuvhu, kashoma kuti chirwere ichi chinge chichinyuka nepamusaka pekuti humhutu haukwanisi kuramba huchibereka nekuda kwemamiriro anenge akaita kunze.

Zviratidzo zvemalaria:

Kutemwa nemusoro uchipindwa nechando.

Kupera simba nekudikitira.

Mvura inoraswa nemurwere inenge yakasviba uye iri shoma.

Chinodzivirirwa sei?

Zvakakosha kuti vanhu varare vari mumambure (mosquito net) senzira yekudzivirira kurumwa nehumhutu.

Pfekai mbatya dzinovhara muviri wose kuitira kuti musarumwe nehumhutu, zvikuru munguva dzemangwanani nemanheru. Firitai nzvimbo dzinojenga mvura semumadhireni, madhamu, nzizi nemakomba. Izvi zvinobatsira kuti humhutu husarambe huchibereka.

Kana muchishanyira nzvimbo dzine malaria, torai mishonga yakaita seDeltaprin inowanikwa muzvitoro zvinotengesa mishonga kuti muzvidzivirire kubva kuchirwere ichi, kana kuzora mafuta anodzinga humhutu.

Zvekuita kana uine fungidziro yechirwere ichi: Endai kukirinika iri pedyo munovhenekwa nekukasika.

Varapi kana vachinge vaona muine chirwere ichi, vanokupai mishonga yakaita seChloroquine.

Zvakakosha kuti mupedze mishonga yenyu kuitira kuti musazobatwe zvakare nechirwere ichi.

Kana mukaona murwere ave kuita kunge ane pfari, anogona kunge ave nemalaria yakanonoka kurapwa, iyo ingange yakomba (cerebral malaria) inova inogona kutora upenyu hwemunhu. Ipai murwere kudya kwakakwana nemvura yakawanda apo anotora mishonga kuti akasike kupora.

Ruzivo urwu rwakabva mubhuku rezveutano rakadhindiswa nesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group, rinodaidzwa kuti “Utano hwako, Upenyu Hwako”.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *