Ziva paumire neHIV

DINGINDIRA repasi rose rekurwisa AIDS rinoti “Ziva paumire”.

Bazi reutano nekurerwa kwakanaka kwevana nesangano reNational AIDS Council vakazovandudza dingindira iri nekukurudzira vanhu kuti vasangozive pavamire chete maringe neHIV asi kuti nezvimwe zvirwere zvakadai seTB, zvepabonde, gomarara nezvimwe zvisingatapuriranwe.

Munhu kuziva paamire zvinozadzikisa chirongwa chepasi rose che90 by 90 by 90 chekupedza kupararira kweHIV neAIDS panosvika gore ra2020.

Pasi pechirongwa ichi, chikamu che90 percent chevanhu vose vari kurarama neHIV vanofanira kuziva pavamire, 90 percent yevari kurarama neHIV vanofanira kuwana mishonga yekurapwa uye 90 percent zvakare yevari kunwa mushonga viral load yavo inofanira kusaonekwa.

Kunyangwe zvazvo vanhu vari kukurudzirwa kuti vavhenekwe vazive pavamire, kuvhenekwa HIV hakumanikidzwe.

Vadikani vanokurudzirwa kuti vavhenekwe HIV nekuda kwavo vagoziva pavamire kuitira kuti vazoziva marongero avo kana vachida kuzoita vana.

Kana mumwe wavo, kana kuti vose vakawanikwa vane utachiona hweHIV pane matanho anotorwa kuti vabereke mwana anenge asina utachiona hweHIV.

Izvi zvinoenderana nechinangwa chepasi rose chekupedza kupararira kweAIDS panosvika gore ra2030.

Kune avo vasina hurongwa hwekuzoita vana, vanogona kutanga kunwa mishonga uye vopihwa mazano ekuti vangararame sei zvine utano.

Hapanai munhu anofanirwa kusarurwa maringe nemamiriro ake panyaya yeHIV.

Avo vanenge vawanikwa vaine utachiona hweHIV, vanoda rutsigirwo rwemhuri, vavakidzani uye kunyangwe nevavanoshanda navo.

Vakurudzirei kuti vanorapwa nekukasika, vadye zvine utano pamwe nekuita mitambo inosimbisa miviri.

Kana munhu achinge aine utachiona hweHIV, zviri nyore kuti abatwe nezvimwe zvirwere zvinongonyuka uye ichi ndicho chikonzero nei zvakakosha kuti avhenekwe kuti aonekwe kana asina zvimwe zvirwere.

MuZimbabwe, kuvhenekwa HIV hakumanikidzwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *