Ziva paumire uri kuAgricultural Show

SANGANO reNational AIDS Council (NAC),  semazuva ese, richange riri muchirongwa che2019 Edition Zimbabwe Agricultural Show.

Zimbabwe – sedzimwe nyika – iri kuita chirongwa cheFast -Track Strategy icho chine donzvo rekupedza AIDS mugore ra2030.

Sangano reNAC richatora mukana uyu kuti ringe richiratidzira nzira dzariri kuita mukurwisa HIV kubva mumakore adarika.

Shoo yegore rino yauya panguva iyo sangano reNAC riri kufambisa chirongwa cheWorld AIDS Campaign 2018/19 chine dingindira rinoti: Ziva Paumire.

Dingindira iri rine chinangwa chekukurudzira vanhu kuti vange vachiziva pavamire maringe neutachiona hweHIV pamwe nechirwere cherurindi, shuga, zvirwere zvepabonde, gomarara nezvimwe.

Vanhu vachange vachienda kushoo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana saka tinokurudzira kuti vazvipe nguva yekuti vange vachiziva nezveutano hwavo.

Sitendi yeNAC inotofanira kushanyirwa nemunhu wese ari kupinda kushoo.

NAC ine ruzivo rwayakaunganidza rwunofambirana nevanhu vemazera ese uye marudzi pasina rusarura. Ruzivo urwu rwakaiswa kuti vanhu vange vachiziva maringe nekudzivirira kutapurira kana kutapurirwa utachiona hweHIV uye kubva kune vabereki huchienda kumwana, syphilis, kudzivirira gomarara nekurapwa kwaro, chirwere cherurindi, nezvimwe zvirwere zvisina zviratidzo zvakadai seBP nezvimwe zvakawanda.

Ruzivo maringe nekudya kunovaka utano, kurarama zvakanaka kana uine utachiona hweHIV, zvese zvichange zvichiwanikwa pasitendi yeNAC.

Vechidiki vane makore anobvira pa 10 – 24 ekuzvarwa vakaiswa muchikwata chevanhu vari panyatwa yekutapurirwa utachiona hweHIV kana zvichienzaniswa nevanhu vakuru.

NAC yakaona kukosha kwevechidiki saka ichange iine mupanda wakangomirira vechidiki. Pamupanda uyu, tichange tichikurukura nevechidiki pachitorwa mavhidhiyo nekunyorwa kweruzivo rwavanozotakura kuenda narwo kumba.

Zvakakosha kuti vechidiki vange vachishanyira masitendi edu kuti vawane ruzivo rwunobatsira muraramo yavo.

Madzimai echidiki nevanasikana vachange vachipakurirwa mashoko ehunyanzvi hwekuti vave nesimba rekuramba kupinda munyaya dzepabonde vachibhadharwa nekuona kuti kana vachinge vachipinda pabonde vange vachiziva kuti harina utachiona uye rinoitwa nenzira kwayo ine dziviriro.

Vanhu vachange vachivhenekwa utachiona hweHIV nekupangwa mazano pasitendi ipapo. Mhuri nevakazvimiririra vanokurudzirwa kuti vange vachiuya vachiwaniswa ruzivo nezvekushandisa kuti vakwanise kurarama upenyu hune utano.

Avo vanenge vaine utachiona hweHIV, vanozoziviswa kuti vangararama nenzira dzipi kuti varambe vaine utano apowo avo vanenge vasina utachiona vachifundiswa kuti vangaita sei kuti varambe vasina kudaro.

Tichange tiine mibairo yatinopa zvekare kushoo!

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×