
VANE mabhizimisi vari kukurudzirwa kuti vabatane neHurumende mukusimudzira dzidzo munyika, zvikuru kumatunhu avanobva.
Mashoko aya akataurwa nasachigaro weChivi Rural District Council, Dr Killer Zivhu, avo vanova zvakare director weZimbabwe Amalgamated Housing Association.
Muhurukuro neKwayedza, Dr Zivhu vanoti vari kubatsira zvikoro zvinodarika 10 mudunhu ravo nezvakasiyana sekuvandudza zvivakwa nekubhadharira vana vanobva kumhuri dzinoshaya mari dzechikoro.
“Zvakakosha kuti vanamuzvinhabhizimisi vasimudzire nzvimbo dzavanobva. Zvimwe zvezvikoro zvandiri kubatsira nekuvandudza zvivakwa pamwe nekupa zvigaro zvinosanganisira Mavingire Primary, Neruvanga Secondary, Chasiya Primary neMavende Primary.
“Ndiri kupa zvakare makombiyuta muzvikoro nedonzvo rekuti vana vakwanise kudzidza vachifambirana nenguva kuburikidza nedandemutande,” vanodaro Dr Zivhu.
Vanoti vari kupawo makombiyuta kumakamba emapurisa nechinangwa chekusimudzira basa ravo.
Dr Zivhu vanotizve vakatanga chirongwa chekubatsira zvimwe zvikoro kuti zviwane simba remoto unobva muzuva.
Vanoti dunhu ravo rakatarisana nenzara, nekudaro vari kupa chikafu kumhuri dzinoshaya kuitira kuti vana vawane chekudya vasati vaenda kuchikoro.
Munyaya dzemitambo, Dr Zivhu vanoti vari kutsigira mumakwikwi ezvikoro akaita senhabvu nemimwe mitambo.




