ZRP High School yakatora mukombe

Ed1
MAI Patience Fusire

Daphne Machiri
CHIKORO cheZimbabwe Republic Police (ZRP) High School, icho chiri muHarare, ndicho chakatora mukombe mumakwikwi emakirabhu ekusima miti nekuchengetedza nharaunda pasi pechirongwa cheEco Schools Challenge nguva pfupi yadarika ndokupembedzwa nekusimirwa miti inosvika 700 nemasangano akasiyana.

Chirongwa ichi chinotsigirwa nesangano reMukuvisi Woodlands rakabatana nereFriends of the Environment (Nyaradzo Funeral Assurance), Unicef, Environment Africa, Upper Manyame Sub-catchment Council neForestry Commission.

Vachitaura pachiitiko ichi, Mai Patience Fusire, avo vanove research and product development officer kuNyaradzo Funeral Assurance, vakati zvakakosha kuti vana vechikoro vakure vachiziva kuchengetedza zviwanikwa zvenyika yavo.

“Nharaunda, mhuka nezviwanikwa zvinofanirwa kuchegetedzwa nekuti ndipo pane upfumi hwenyika naizvozvo
ngatiregei kutema miti, kuchera-chera makomba, kurima mumatoro, kupisa masango, kuuraya mhuka nekurasa marara pese-pese,” vakadaro Mai Fusire.

“Iye zvino tichiita ongororo munyika maererano nenharaunda kukanganiswa kwayo kuri kukonzera kusanduka kwemamiriro ekunze zvinova zvava kukanganisa zvakare varimi. Donzvo redu ndere kuchenesa nharaunda vanhu vachiwana mweya wekufema wakanaka kubudikidza nemiti yaticharamba tichisima. Panozosvika 2026 tinenge tasima miti inosvika 5 miriyoni muZimbabwe yese,” vakadaro.

Vachitaurawo musi uyu, VaGibson Nhokwara, avo vanova eco-schools programme and environment education officer kuMukuvisi Woodlands, vakati chirongwa chekudyarwa kwemiti chinofanirwa kupararira kumapurovhinzi ose enyika.

“Muti watakasarudza gore rino inyaya yekusanduka kwemamiriro ekunze uyo unozi Mukweshangoma kana kuti Mupaka. Unosimwa nguva yese-yese uye unonzi unorapa zvirwere zvakaita semalaria,” vakadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×