ZRP Tomlinson yakatenga bhazi

Muchaneta Chimuka —
CHIKORO cheZRP Tomlinson Depot Primary School chiri muHarare svondo rino chakapihwa chipo chebhazi rinokosha $169 000 kubva kumapurisa eZimbabwe Republic Police.

Vachitaura pakukumikidzwa kwebhazi iri zviri pamutemo, mutevedzeri wemukuru wemapurisa Deputy Commissioner-General (Administration) Godwin Matanga — avo vainge vakamiririrwa naCommissioner Dr Eric Magejo — vanoti bhazi iri richarerutsira chikoro ichi panyaya yezvekufambisa apo vana vanenge vachida kuenda kunzvimbo dzakasiyana.

“Bhazi iri richabatsira vana mukushanya kwavanoita munzvimbo dzinoyevedza dzakasiyana pamwe nepavanoita mitambo.

“Kuti bhazi iri ringe richipinda munyika muno, paidiwa mari dzemutero wejuti saka takamboedza nepose pataigona kuti tiregedze kubhadhariswa juti asi zvakaramba tikazoita kuti vabereki vange vachibhadhara $124 pamwana mumwe nemumwe izvo zvakaita kuti riuye. Naizvozvo tinovatenda zvikuru,” vanodaro.

Vanotendawo nhengo dzeSchool Development Committee (SDC) idzo dzinotungamirirwa nechikamu chemapurisa chePolice Protection Unit (PPU) nekukurudzira kwavakaita vabereki kuti vatsigire kutengwa kwebhazi iri.

“Hurongwa hwekutengwa kwebhazi iri hwakatanga muna 2015 kusvika razounzwa muno gore rino.

“Tinoramba tichikurudzira vabereki kuti varambe vachitsigira zvirongwa zvedzidzo yevana vavo,” vanodaro.

Bhazi iri risati ratengwa, vana vepachikoro ichi vaishandisa kombi inova diki zvikuru kana zvichienzaniswa nehuwandu hwavo.

Vaive pagungano iri vanosanganisira vana vechikoro, vabereki nevatori venhau avo vakawaniswawo mukana wekumema bhazi iri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *